Zekariya 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chiratidzo chengoro ina dzehondo

1Ndakasimudzazve musoro ndikaona hedzo ngoro ina dzehondo dzichibuda napakati pamakomo maviri. Makomo acho akanga ari makomo endarira.

2Ngoro yehondo yokutanga yakanga ina mabhiza matsvuku, yechipiri iina mabhiza matema

3yetatu yacho iina mabhiza machena. Ngoro yehondo yechina yaiva namabhiza mapfumbu, ano chaiwo.

4Ndakabvunza mutumwa uya aitaura neni kuti, “Ko izvi zviiko nhai changamire wangu?”

5Mutumwa uye akandipindura achiti, “Idzodzi dziri kuenda kumativi mana emhepo dzedenga mushure mokunge dzambozvikumikidza kuna Changamire wapasi pose.”

6Ngoro yehondo ina mabhiza matema inoenda kunyika yokuchamhembe, machena achaenda kunyika yokumadokero. Mapfumbu anoendawo kunyika yokumaodzanyemba.

7Pakabuda mabhiza, aya ano chaiwo akanga asingagare zvakanaka nokuda kupinda munzira kuti apote nenyika. Ndokubva iye ati, “Chiendai mupote nenyika.” Saizvozvowo akapota nayo nyika.

8Akazodaidzira kwandiri achiti, “Chinzwa, vaya vanoenda kunyika yokuchamhembe vapa kuti mweya wangu uwane zororo kunyika yokuchamhembe.”

Chirevo chokudzika mupristi Joshuwa ngundu mumusoro

9Shoko raTENZI rakazouya kwandiri rikati,

10“Enda kunhapwa utore Heridhai naTobhiya naJedhaya vasvika vachibva kuBhabhironi ubva waenda musi wakarewo kumba kwaJosiya mwanakomana waZefaniya.

11Unotora kwavari sirivha nendarama uite nayo ngundu uidzike mumusoro maJoshuwa mwanakomna waJehozadhaki mupristi mukuru

12umuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo: ‘Chinzwa, murume ane zita rokuti Bazi achabukira kuva bazi munzvimbo maari achizovaka Temberi yaTENZI.

13Iye ndiye achavaka Temberi yaTENZI uye achawana chiremera choumambo uye achagara pachigaro choumambo achitonga. Pachava nomupristi pedyo nechigaro chake choumambo vachiwirirana vachinzwisisana kwazvo pauviri hwavo.’

14Ngundu dzinofanira kuzova muTemberi yaTENZI sechiyeuchidzo chokuyeuka nacho Heridhai naTobhiya naJedhaya naJosiya mwanakomana waZefaniya.”

15Vari kurewo vachauya kuzovaka Temberi yaTENZI. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo andituma kwamuri. Izvozvi zvichaitika kana mukanyatsoteerera izwi raTENZI, Mwari wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help