Vakorose Zviri mutsamba yokuvaKorose - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mutsamba yokuvaKorose Tsamba yokuVakorose itsamba yakanyorerwa vaKristu vokuKorose. Pauro haasiriye akatanga sangano iri. Akanzwa zvechitendero chavo nomugariro wavo wakanaka; asi akanzwawo kuti sangano iri rakanga rava kuda kupinda mujodzi yokurasiswa gwara pamusana pezvidzidziso zvisiri izvo. Musangano iri makanga mavakudzidziswa kuti kana munhu uchida kuwana ruponeso unotofanira kuwana rumwe ruzivo rwomuchivande, uye kunamata mimwe mweya navatumwa uyewo kuti vanofanira kudzingiswa vachichengeta mimwe mitemo yezvokudya neyemwaka neyamaSabata. Naizvozvo akanyora tsamba iyi kuti avataurire kuti Kristu anokwana. Mweya yose nezvinhu zvose zvakasikwa nemaari ndiye muridzi wazvo; ndiye wazvakasikirwa. Imi dzikai midzi maari. Rambai kupiwa mitemo nomunhu. Isu takakudzidzisai tikakupai ruzivo noungwaru huzere (1:28).Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuvaKoroseKusuma (1:1–2)Munamato wokutenda Mwari (1:3–11)Kununurwa kwedu (1:12–14)I: Chidzidziso (1:15—2:5)Kristu nebasa rake (1:15–20)Vakorose vane mugove wavo muruponeso (1:21–23)Basa rakaitwa naPauro (1:24—2:5)II: Kuyambira Vakorose nezvezvidzidzo zvenhema (2:6–23)Garai upenyu hwechitendero chenyu muna Kristu (2:6–15)Musapiwe mhosva pasina mhosva (2:16–19)Kufa kwedu nokumuka kwedu naKristu (2:20–23)III: Kukurudzira upenyu hwakanaka (3:1—4:18)Upenyu hwenyu naKristu (3:1–17)Magariro akanaka emhuri (3:18—4:1)Basa rokuparidza vamwe vechiKristu (4:2–18)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help