Zvakaratidzwa 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Izvi ndizvo zvakaratidzwa naJesu Kristu

zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake,

zvichaitika nokukurumidza.

Akazvizivisa nokutumira mutumwa wake

kumuranda wake Johani

2uyo akapupurira izwi raMwari,

akapupurawo uchapupu hwaJesu

uye zvose zvaakaona.

3Akakomborerwa zvake uyo anoverenga

mazwi okuporofita aya.

Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo

nokuti nguva yavapedyo.

I: TSAMBA DZAKANYORERWA MASANGANO MANOMWE OKUASIAKwaziso

4Ndini Johani ndinokunyorerai

imi masangano manomwe okuAsia ndichiti:

Dai chikomborero chokuitirwa nyasha

nokuwaniswa rugare changova nemi

chichibva kuna iye aripo, akanga aripo uye achazovapo,

uyewo chichibva kumweya minomwe

iri pamberi pechigaro chake choumambo,

5uyezve chichibva kuna Jesu mupupuri akatendeka,

dangwe ravafi,

mutongi wamadzimambo apanyika.

Iyeyu anotida, akatisunungura kuzvitadzo zvedu

neropa rake akaita kuti tive umambo,

6uye kuti tive vapristi kuna Mwari wake nababa vake,

iye ngaawaniswe mbiri nokutonga narini narini.

Ameni.

7Hezvo achauya ari mumakore.

Ziso rose richamuona

nomunhu wose akamubaya

uye marudzi ose apasi pano achamuchema zvikuru.

Ngazvive saizvozvo. Ameni.

8Ndini Arifa naOmega

ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari,

iye aripo, akanga aripo uye achazovapo,

iye Samasimbaose.

Chioneso chokutanga

9Ndini Johani hama yenyu

ndinoshamwaridzana nemi muna Jesu

munhamo uye tiri pasi poumambo humwechete

uyezve mukutsungirira kutirira.

Ndakanga ndiri pachitsuwa chinonzi Patimosi

pamusana peshoko raMwari

uye pamusana pokupupurira Jesu.

10Ndaiva naMweya pazuva raTenzi

ndikanzwa necheshure kwangu

kurira kukuru kunenge kwebhosvo

11richiti, “Nyora mubhuku zvauchaona

uzvitumire kumasangano manomwe aya anoti,

reEfesusi nereSimuna nerePerigamumu nereTiatira

nereSadhisi nereFiradefia nereRaodhekia.”

12Ndipo pandakatendeuka

kuti ndione kuti izwi rani raitaura neni.

Pandakatendeuka ndakaona

zvigadzikiro zvomwenje zvendarama zvinomwe.

13Pakati pezvigadzikiro zvinomwe zviya

ndakaona akaita soMwanakomana womunhu

akanga akapfeka gemenzi rakareba

nomudya wendarama padundundu pake.

14Musoro wake nevhudzi rake

zvakanga zvakachena sewuru chena,

uye zvakachena samazaya echando.

Maziso ake akanga akaita serimi romoto.

15Tsoka dzake dzakanga dzakaita somundarira

wakakwenenzverwa mubisiro zvokutsvedzerera,

izwi rake richiita seruzha rwemvura zhinji.

16Muruoko rwake rworudyi akanga akabata nyenyedzi nomwe.

Mumuromo make makabuda bakatwa romucheka kose rinopinza,

uso hwake hwaiita sezuva

huchibwinya zvikuru.

17Pandakamuona ndakawira pasi

patsoka dzake sokunge ndafa,

asi iye akaisa ruoko rwake rworudyi pandiri achiti,

“Usatye, ndini Wokutanga noWokupedzisira.

18Ndini mupenyu uya,

hongu ndakambofa zvangu

asi tarisa uone

ndava mupenyu nokusingaperi

uye ndine kii dzorufu nedzokunzvimbo yavafi.

19Zvino chipota uchinyora zvaunoona

zviripo nezvichazovapo.

20Pane zvechakavandika ichi,

chezvenyenyedzi nomwe,

dzawaona muruoko rwangu rworudyi

nezvigadzikiro zvinomwe zvendarama;

nyenyedzi nomwe ndivo vatumwa vamasangano manomwe,

zvigadzikiro zvinomwe ndiwo masangano manomwe.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help