Nziyo 33 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rwiyo rwokurumbidza TENZI

1Farai muna TENZI imi makarurama

vari pachokwadi ndivo

vanokodzera kumurumbidza.

2Rumbidzai TENZI nechipendani,

muimbirei nedimbwa rine waya gumi,

3muimbirei rumbo rutsva,

mumuridzirei zvakanaka, muchipururudza,

4nokuti shoko raTENZI rakatendeka

uye basa rake rose rinoitwa muchokwadi.

5Anoda ururami noruenzaniso

nyika izere nemwoyochena waTENZI.

6Matenga akaitwa nezwi raTENZI

uyewo hondo nehondo yezvirimo

zvakaitwa nefemo romuromo wake.

7Akaunganidza makungwa pamwechete

akaaita semurwi,

mvura yakadzika akaiisa mumatura.

8Nyika yose ngaitye TENZI,

vagari vose vapasi pano ngavamudedere

9nokuti akataura zvikaitika

akati ngazvimire zvikamira.

10TENZI anoshaisa basa mazano amarudzi

anoshaisa maturo zvirongwa zvavanhu.

11Zano raTENZI rinoramba riripo nokusingaperi

zvaanofunga mumwoyo make

zvinosvika kuzvizvarwa zvose.

12Rwakakomborerwa rudzi

rwakaita TENZI Mwari warwo;

vanhu vaakasarudza kuva nhaka yake.

13TENZI anotarisa pasi ari mudenga

anoona vanhu vose.

14Kubva pachigaro chake chokutonga

anotarisa vagari vose vapanyika.

15Iye anopa munhu nomunhu mwoyo waanawo,

anoziva zvose zvavanoita.

16Mambo haanunurwe nokukura kwakaita

hondo yake.

Gamba rokurwa hariponeswe

nesimba raro guru.

17Bhiza chinhu chisina maturo pakuponesa,

Kunyange zvaro riine simba guru,

harikwanisi kuponesa.

18Tarisai muone kuti

ziso raTENZI riri pana vanomutya

riri kune vane chitarisiro kumwoyochena wake

19kuti avanunure kurufu

uye kuti avararamise panguva yenzara.

20Tinotarisira muna TENZI

ndiye rubatsiro rwedu nenhoo yedu.

21Mwoyo yedu inofara naye

nokuti tinovimba nezita rake rinoera.

22Mwoyochena wenyu ngauve patiri TENZI

sokutarisira kwatinoita kwamuri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help