Ezira 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ndipo pakazoporofita vaporofita vanaHagai naZekariya mwanakomana waIdho kuvaJudha vaiva kwaJudha neJerusaremu muzita raMwari weIsiraeri akanga ari pavari.

2Ndipo pakazosimuka Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki votangazve kuvaka imba yaMwari iri muJerusaremu vachibatsirwa navaporofita vaMwari vavaiva navo.

3Panguva yakareyo kwakauya Tatenai zisadunhu remaruwa ose enyika dziri kumhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai pamwechete nevechikwata chavo vakavavinga vakataura kwavari vachiti, “Chirevo chokuti imi muvake imba iyi nezvamava kuvaka izvi chabva kuna ani?

4Saizvozvo tinodawo kunzwa kuti mazita evarume vari kuvaka imba iyoyi iyi ndivanaani?”

5Asi ziso raMwari wavo rakanga riri pavakuru vakuru vevaJudha zvokuti havana kumbovamisa kusvikira shoko ratosvitswa kuna Dhariusi uye iyewo atotumira tsamba yokuvapindura panyaya iyoyi.

6Ino iyi ndotsamba yakanyorwa naTatenai zisadunhu renyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai nevechikwata chavo nevatongi vokunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ikoko ikatumirwa kuna mambo Dhariusi.

7Vakamutumira tsamba yakanga yakanyorwa kunzi,

“Netsamba yeduwo

iyi mambo Dhariusi tinokukwazisai.

8Tingade kuti imi mambo muzivewo

kuti takaenda kunyika yokwaJudha

pamba yaMwari mukuru.

Iri mukuvakwa izvozvi namabwe makuru,

mapango akatowarikwa mumadziro umu.

Basa irori riri kunyatsoenderera mberi

kuri kuitwa chipatapata.

9Takabvunza vakuru vakuru ivavo

tikataura navo tichiti,

‘Ndiani akakutemerai

chirevo chokuti imi muvake imba

iyi uye kuti mupedzese

zvamuri kuvaka izvi chabva kuna ani?’

10Takavabvunzawo mazita avo,

tichiitira kuti imi muzive tigonyora mazita

avarume vari kutungamirira vacho.

11Mhinduro yavakatipindura ndeyiyi

vakati,

‘Isu tiri varanda vaMwari Wedenga napasi.

Tiri kuvaka zvakare imba yakambovakwa

nomumwe mambo weIsiraeri makore mazhinji akapfuura ikatopera.

12Asi pamusana pokuti madzibaba edu

akashatirisa Mwari Wedenga akabva

avaisa mumaoko aNebhukadhinezari

mambo weBhabhironi wechiKaradhia.

Iye akaparadza imba iyoyi akatuta vanhu kuendesa kuBhabhironi.

13Zvakadaro zvazvo,

mugore rechiposhi rokutonga kwaSairosi mambo weBhabhironi,

mambo Sairosi wakareyu akatema chirevo

chokuti imba yaMwari iyoyi ivakwe zvakare.

14Izvozvo midziyo yendarama neyesirivha

yomumba yaMwari yakanga yatorwa naNebhukadhineza

muTemberi yaiva muJerusaremu

ikaendwa nayo kuTemberi yokuBhabhironi,

mambo Sairosi vakaiburitsa mutemberi yeBhabhironi

ikaiswa mumaoko omumwe ainzi Sheshibhaza

waakanga aita sadunhu wacho.’

15Akamuti,

‘Tora midziyo iyi unoiisa muTemberi iri kuJerusaremu

imba yaMwari ivakwe payakanga iri.’

16Ndipo pakauya Sheshibhaza iyeyu akavaka

ugaro hwemba yaMwari iri muJerusaremu.

Kubvira panguva iyoyo kusvikira pari nhasi

ichiri mukuvakwa haisati yapera.

17Naizvozvo kana imi mambo

maonawo kuti pakanaka,

ngakutsvakwe mumba mokuchengetera zvinyorwa zvokwamambo

kuBhabhironi ikoko kuonekwe

kuti mambo Sairosi akapa here chirevo

chokuti imba yaMwari iyoyi

iri muJerusaremu ivakwezve.

Titumireiwo mhinduro yezvamunoda

kuti zviitwe panyaya iyoyi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help