Tsumo 22 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Zviri nani kuva nezita rakanaka

pane kuva noupfumi hwakawanda

kuremekedzwa kuri nani pane

sirivha kana ndarama.

2Chavanofanana

vapfumi navarombo chimwechete

chokuti Tenzi ndiye musiki wavo vose.

3Wakachenjera anoona njonzi ovanda

akapusa anoenderera mberi

asi anowona mubayiro wake.

4Mubayiro wokuzvirereka

nowokutya Tenzi

upfumi nokuremekedzwa noupenyu.

5Munzira yomunhu asina kutsarukana

mune minzwa nemisungo

munhu anozvichengeta anogara kure nazvo.

6Dzidzisa mwana nzira

yaanofanira kufamba nayo

kunyange akura haasiane nayo.

7Vapfumi ndivo vanotonga varombo,

mukwereti muranda womukweretesi.

8Munhu anodyara zvisina ruenzaniso

achakohwa matambudziko

shamhu yokushatirwa kwake ichamuperera.

9Munhu ane ruoko rwunopa akakomborerwa

nokuti anogoverana chokudya chake navarombo.

10Ukadzinga mushori

gakava rinobva raenda

uye nharo nokutuka

zvinobva zvapera.

11Munhu ano mwoyo mutsvene

ane rurimi runotapira

anova shamwari yamambo.

12Tenzi anoona kuti chokwadi chachengetedzwa

asi mashoko avanonyepa anoaparadza.

13Nyope inoti, “Panze apa pane shumba!

Ndingangouraiwa mumugwagwa, wehama!”

14Muromo wepfambi igomba rakadzama

anoshatirirwa naTenzi anowira mariri.

15Mwana anoberekwa ane upenzi mumwoyo

asi shamhu ndiyo inohudzinga maari.

16Munhu anodzvinyirira varombo zvakaipa

achida kuwanza upfumi hwake

achipa zvipo kuvapfumi

achapinda urombo.

III: MAKUMI MATATU ETSUMO DZAVAMWE VANGWARU

17Rerekera nzeve yako

unzwe mazwi avangwaru

uise mwoyo wako mune zvandinokuzivisa.

18Zvichakunakira ukazvichengeta mauri

zviri pamuromo pako zvose.

19Kuitira kuti uvimbe naTenzi,

ndada kukuzivisa izvi iyewe nhasi uno.

20Ndakakunyorera makumi matatu etsumo

dzokukupa mazano noruzivo handiti?

21Izvi kuitira kuti ndikuratidze

zvakarurama nezvechokwadi

kuitira kuti upe anenge akutuma

mhinduro yechokwadi.

1

22Usapambe murombo nokuti murombo,

usambunyikidze vatamburi padare,

23nokuti Tenzi achavarwira,

achatorera upenyu vanovapamba.

2

24Usaite ushamwari nomunhu wehasha

kana kufambidzana nemunhu wokutsamwa

25ungadaro ukadzidza tsika dzake

zvikave musungo unokusunga.

3

26Usave mumwe wavanoita chitsidzo

anova mumiririri wezvikwereti.

27Kana usina chokuripa nacho

vangadaro vakatora mubhedha

wako waunorara.

4

28Usabvise chitata chakare chomuganhu wenyika

chakaiswa namadzibaba ako.

5

29Ndiratidzei munhu anoziva basa rake

iyeyo ndiye achamira pamberi pamadzimambo

haamiri pamberi pavanhu vasingazivikanwi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help