1 Vanamakabhi 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

I: MAZWI OKUSUMAArekizanda mukuriri wavaPezhiya

1Mumwe murume ainzi Arekizanda mwana waFiripi wokuMakedhonia akabva kunyika yeKitimu akasvikokurira Dhariusi mambo wevaPezhiya navaMidhia ndokutora nzvimbo yake youmambo. (Dhariusi akambenge ava mambo weGirisi).

2Arekizanda akarwa hondo dzakawanda akakurira nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Akauraya madzimambo epasi pano.

3Akaenda narwo kusvika kwakaperera nyika chaiko akapamba nyika dzakawanda. Nyika payakanga yachiti zii–i kunyarara pasisina achati bufu kwaari, zvakamuvhaidza akava nomwoyo wokuzvikudza.

4Akaunganidza hondo yake yavarwi yakasimba kwazvo akatonga dzinyika nendudzi dzavanhu namadzishe vachitotera mutero kwaari.

5Mushure maizvozvi akarwara akazvionerawo pachake kuti kwatova kufa'ku.

6Nokudaro akadaidza vatungamiriri vehondo yake vakuru vacho chaivo vaakakura navo kubvira pauduku hwake akavagovanisa nyika dzake dzaaitonga achiri mupenyu.

7Arekizanda akatonga kwamakore gumi namaviri ndokubva afa.

8Vatungamiriri vehondo yake vaye vakatanga kutonga kwake kwake.

9Vose vakapfeka ngundu dzoumambo mushure mokufa kwake navanakomana vavo vakavatevera mushure vakazoita saizvozvo kwamakore mazhinji vakakonzera uipi hwakanyanya kwazvo panyika.

Kupindukira kwavamwe vaIsiraeri kutsika dzechiGiriki

10Mavari ivava makabuda bukira rouipi, mumwe murume ainzi Andiokusi Epifanesi, mwana wamambo Andiokusi. Iyeyo akambenge ari mubatwa kuRoma. Iye akatanga kutonga mugore rezana namakumi matatu nechinomwe roumambo hwavanhu vechiGiriki.

11Mumazuva iwayo vamwe varume vasina hanya nomutemo vakamuka muIsiraeri vakafurira vanhu vazhinji vachiti, “Handei tindoita chibvumirano navanhu vechirudzi vakatipoteredza ava pamusana pokuti kubvira patakangozvitsaura kwavari nyatwa dzakawanda dzakatiwira.”

12Shoko iri rakavafadza

13ndokubva vamwe vavanhu ivavo vatozvifarira vakaenda nomufaro kuna mambo. Iye akabva avabvumidza kuti vachengete zvavo mirao yevechirudzi.

14Nezvo vakatovaka muJerusaremu dambiro remitambo maererano netsika yavanhu vechirudzi

15vakazvivanziridza micherechedzo yokudzingiswa kwavo, vakakanda pasi zvechitenderano chinoera. Vakazvibatanidza nevechirudzi vakatozvitengesa zvavo kuzviito zvakaipa.

Kun'oresa Temberi yaMwari kwakaitwa namambo Epifanesi

16Andiokusi paakaona kuti umambo hwake zvino hwadzika midzi, akatsunga mwoyo kuti azviite mambo wenyika yeIjipiti kuitira kuti atonge nyika idzi dzose dziri mbiri.

17Naizvozvo akandorwisa Ijipiti aine hondo yakasimba, nengoro dzehondo navarwi vamabhiza nenzou navazhinji kwazvo vengarava.

18Akarwisa Toremu, mambo weIjipiti ndokukotonoka omutiza, vazhinji vakakuvadzwa vakafa.

19Vakatorera nyika yeIjipiti maguta ayo etsvingo, akapamba nyika yeIjipiti.

20Mushure mokunge aisa Ijipiti pasi pake, Andiokusi akadzoka mugore rezana namakumi mana nerechitatu rokutonga kwake akakwira kundorwisa Isiraeri. Akasvika Jerusaremu aine hondo chaiyo yakasimba.

21Akapinda munzvimbo inoera asina matyira akapamba atari iya yendarama nechigadzikiro chomwenje nemidziyo yemo yose.

22Akapambawo teburu yechingwa chinoiswa pana Mwari namakapu emupiro wokuteura nembhenge namabisiro endarama namachira okudzikatirisa mawindo nengundu nezvinhu zvendarama zvakanga zvakashongedzeswa kumusuo kweTemberi. Akazvikwatanura zvose zvazvo.

23Akapambawo sirivha nendarama nemidziyo inokosha akatorawo zvakare upfumi hwakanga hwakavigwa hwaakawanamo.

24Akakukucha izvozvo zvose ndokupinda munzira oenda kunyika yake.

Iyeyu uyu akaita mabasa oumhondi.

Pakutaura aitafura zvokutotafura zvake.

25Kwakava nokuungudza zvinosiririsa

mumana nemana rose reIsiraeri,

26madzishe navakuru vakuru vachigomera,

vakomana navasikana vachifizuka

runako rwavanhukadzi rukabhuruvara.

27Muwani wose akaungudzawo,

muroora wose zvake ainge ari mumba yomuchato

achiungudza kuchema.

28Kunyangova nenyika yakandengendeka

pamusana pavagari vemo,

imba yaJakobho yose

ikakwidibirwa nenyadzi.

29Makore maviri akati apfuura mambo akatumira kumaguta okwaJudha mukuru mukuru wokuteresa mutero. Akauya kuJerusaremu aine hondo huru yavarwi.

30Akataura kwavari namazwi akanaka okunyengedza ivo vakabva vazvitora sezvechokwadi. Asi iye akazoyerekana apindukira guta iri akaririnha achiparadza vanhu veIsiraeri vakawanda.

31Akapamba guta iri akaripisa nomoto akapaza dzimba dzaro netsvingo dzakanga dzakarikomberedza.

32Vakatapa vakadzi navana vakapamba zvipfuwo.

33Vakazovakirira Guta raDhavhidhi norusvingo rukuru rwakasimba nenharire dzakasimba rikabva rava nhare yavo yokuzvidzivirira muhondo.

34Vakaisako vanhu vakaipa mwoyo vasina nomurao wose. Ivava ava ndovakanga vava nesimba.

35Vakaunganidzamo zvombo zvehondo nezvokudya, vakaunganidzawo zvinhu zvaakapambwa muJerusaremu vakazviunganidza imomo. Ivava vakaita seriva chairo.

36Vanhu ivava vakava vokuhwandira Nzvimbo Inoera,

mhandu dzakaipa kuIsiraeri nguva iri yose.

37Kumativi ose eNzvimbo Inoera

vaideura ropa risina mhosva;

vakaton'oresa zvavo Nzvimbo Inoera.

38Pamusana pavo,

vagari veJerusaremu vakatiza musha,

Jerusaremu ukava musha wavatorwa.

Vana varo vakatova vaenzi kwariri,

vana varo vakarifuratira.

39Nzvimbo yaro Inoera,

yakasara yachiti hwiro segwenga.

Mazuva aro makuru akava mazuva okuungudza,

maSabata aro akava chinyadziso,

mukurumbira waro ukava kusvorwa.

40Kufumurwa kwaro ndokwakatonyanya kuenda mbiri

somukurumbira waro,

kurumbidzwa kwaro kukasandurwa kukava kuchema.

41Mambo akazonyorera nyika yake yose kuti vose zvavo vanofanira kuva vanhu vamwechete

42uye kuti munhu wose anofanira kukanda pasi tsika dzorudzi rwokwake.

43Vanhu vechirudzi vose zvavo vakateerera chirevo chamambo. Kunyange muIsiraeri, vazhinji vakagamuchira norufaro chitendero chamambo ichi vakapira zvibayiro kuzvifananidzo zvokunamata vakan'oresa Sabata.

44Mambo akatumira nhume namatsamba kuJerusaremu nokumaguta okwaJudha, dzaiti:

vanofanira kutevedza tsika dzisiri

dzomunyika mavo

45nokurambidza mipiro yokupisa

nezvibayiro nemipiro yokuteura

muNzvimbo Inoera

uye kuti van'orese maSabata

46nokun'oresa Nzvimbo Inoera navapristi

47uyewo kuti vavakire atari

nenzvimbo dzokuteurira nedzimba dzokupira

zvifananidzo zvokunamata uye kupira

zvibayiro zvenguruve nemhuka dzakan'ora

48uye kuti varege vana vavo vakomana

vasina kudzingiswa.

Vaifanira kuzvin'oresa nechinhu chose

zvacho chakan'ora chisingabvumirwi naMwari

49kuitira kuti vakanganwe mutemo vasandure mirao yose

50uye kuti, kuwane anorega zvake kuteerera

chirevo chamambo, anofanira kufa.

51Akanyorera kunyika yake yose mashoko akadai. Akaisa vaongorori muvanhu vose zvavo, akati maguta avaJudha mupirwe zvibayiro izvozvo guta neguta.

52Vanhu vazhinji vakakanda pasi mutemo, vakapinda vakabatana navo vakabva voita zvakaipa munyika'mu.

53Vakaita kuti vaIsiraeri vatizire munzvimbo dzokuhwanda dzavainge vanadzo.

54Zvino nomusi wegumi nechishanu wemwedzi waChisirevhu mugore rezana namakumi mana nechishanu rokutonga kwake vakamisa chimwe chinon'oresa chisingambodiwa zvacho naMwari paatari yomupiro wokupisa. Vakavakawo atari mumaguta okwaJudha munharaunda iyoyo

55vakapisira rusenzi pamisuo yedzimba dzavo nomumigwagwa.

56Mabhuku omutemo avakawana vakaabvarura–bvarura vakaapisa nomoto.

57Ani naani zvake aiwanikwa aine Bhuku reChitenderano kana aichengeta mutemo, chirevo chamambo chaiti munhu iyeyo anofanira kufa.

58Vakaramba vachiitira utsinye vaIsiraeri vavainge vawanikidza mumaguta mwedzi nemwedzi.

59Mwedzi wogawoga pamusi wamakumi maviri nechishanu, vaipira zvibayiro paatari yakanga iri pamusoro peatari yomupiro wokupisa.

60Maereranowo nechirevo ichochi, vakauraya madzimai akanga aita kuti vana vavo vadzingiswe

61nevemhuri dzavo navanyakuvadzingisa vacho. Vairembedza vacheche vavo ivavo muhuro dzavanaamai vavo.

62Asi muIsiraeri imomu vazhinji vakashinga vakatsunga mwoyo kuti havazi kuzombodya chokudya chakan'ora.

63Vakasarudza kufa pano kuti van'oreswe nechokudya kana kun'oresa chitenderano chinoera. Vakatofa.

64Mwari akavirukira kwazvo Isiraeri nehasha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help