Tobhiti Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Bhuku raTobhiti ndiro rimwe ramabhuku omuBhaibhiri anonzi eDhuterokanonika. Bhuku iri rakanyorerwa kuyamura vanhu kugara upenyu hwakanaka. Rinoratidza zvinonyatsooneka kuti kugara upenyu hwakanaka kuno mubayiro nechikomborero chaMwari chakanaka kwazvo, zvikuru rudo kuvanhu. Munyori webhuku iri akashandisa rungano rwemhuri yaTobhiti neyaRagueri. Rwakada kufanana norungano rwemhuri yomuna Genesisi yaAbhurahamu naRabhani achindotsvakira mwana wake Isaki mukadzi kwasekuru vake. Bhuku iri rinotaurawo nezvaAsimodheusi, mweya wakaipa (dhimoni) waibva kuIjipiti waiita sechitsinha kuna Sara asi wakakurirwa naTobhiya naSara pamusana pokunamata vachibatsirwa nomutumwa waMwari anonzi Rafaeri uye nokupisira nduru yehove sorusenzi kwavakaita.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raTobhitiTobhiti anonamata ari kuNinivhe, Sara anonamata ari Medhia (1:1—3:15)Mwari anopindura minamato yaTobhiti naSara (3:16—11:18)Mutumwa waMwari, Rafaeri, anozviratidza (12:1–22)Tobhiti anorumbidza Mwari (13:1—14:15)