Obhadhiya Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Obhadhiya akanyora bhuku iri guta reJerusaremu parakanga rakurirwa navanhu veBhabhironi (587 KAA) VaEdhomu vakasveeredza guta reJerusaremu navanhu varo. Vakaenda munyika yokwaJudha yakazotumidzwa zita rokuti Idhumea vakaipamba. Muporofita Obhadhiya ndipo paakaporofita achiti Edhomu ichaparadzwa zvachose nokuda kwaizvozvo uye kuti nyika yokwaIsiareri neyekwaJudha dzichabatana kuva nyika imwechete. Dzimwe ndudzi dzichazvionawo zvenhamo idzodzi munyika dzavo zvikuru Edhomu. Ichaitirwa zvayakaitiira vaJudha.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raObhadhiyaMazwi akanangana neEdhomu (1–14)Chiporofita chakananga dzimwe ndudzi pazuva raTENZI (15–21)