Nziyo 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Muimbisi, rumbo urwu rwaAsafu, rwunoimbwa maimbiro evokwaGati. Rumbo rwaDhavhidhi.Ukuru ukuru hwezita raMwari nechiremera chomunhu

1TENZI Mwari wedu

hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu

pasi pose zvapo.

Imi mune mbiri inorumbidzwa

kumusoro kwamatenga

2nemiromo yavacheche neyepwere,

makaisa chokuzvidzivirira nacho

kumhandu dzenyu,

kudzimura vavengi navatsividzi.

3Ndikati tarisei zvangu kumatenga enyu,

amakaita neminwe yenyu,

mwedzi nenyenyedzi

zvamakaisamo? Ndinoti:

4“Munhu chiiwo zvake wamunorangarira,

iye munhuwo zvake wamunochengeta

5asi imi makatoita kuti munhu

asiye paduku duku kuti

ave saMwari.

Muchimupa chiremba chembiri norukudzo.

6Makaita kuti ave ndiye anotonga

mabasa amaoko enyu,

mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake,

7zvose: hwai nemombe

uyewo mhuka dzomusango

8neshiri dzedenga nehove dzegungwa

dzinofamba nomunzira dzomugungwa.

9TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko

kwakaita zita renyu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help