1Ipapo akarurama achamira asingavhunduki
pamberi paavo vakanga vachimuonesa nhamo,
vaimutsvinyira mukutambudzika kwake.
2Pavanomuona vachadedera zvikuru nokutya,
vachinyanya kushamiswa nokuponeswa
kwake kwavakanga vasingatarisiri.
3Vachazvidemba vachishungurudzika,
vachigomera vachitaurirana vachiti,
4“Inga ndiye uya wataiita chiseko,
tichimusveeredza kwazvo.
Tichimuita setsumo yokumushora.
Inga taiva zvituta!
Taiti upenyu hwake upenzi,
tichiti mafiro ake anonyadzisa.
5Seiko ava kuverengerwa
mukati mavana vaMwari?
Seiko mugove wake wava mukati mavakarurama?
6Heya! Isu ndisu takatsauka mugwara rechokwadi!
Mwenje woururami hauna kutivhenekera
uye zuva harina kutibudira.
7Nzira dzakawanda dzisina mutemo nedzoumharadzi
ndidzo dzatakafamba
tikapfuurawo nomugwenga musina nenzira yose,
asi nzira yaMwari ndiyo yatisina kuziva.
8Kuzvikudza kwataiita kwakatibatsireiko?
Ko, kuzvitutumadza nokupfuma kwedu kwakatipei?
9Izvo zvose zvakapfuura somumvuri
uye sorunyerekupe runopfuura zvarwo.
10Zvakaita sengarava
inofamba mumasaisai emvura,
kana yapfuura haina muhwezvwa unoonekwa,
kana gwara rainosiya mumasaisai.
11Zvakaitawo seshiri inobhururuka mumhepo,
hapana chinoonekwa kuti yapfuura napapa.
Mhepowo zvayo inorohwa
nokubhabhama kwamapapiro ayo,
ichipeurwa nesimba rokubhururuka kwayo.
Mushure macho hapana panozoonekwa
kuti apa ndipo payaenda napo.
12Uyezve, kana museve ukapfurwa
wakananga pauri kunanga
mhepo yapaunopfuura napo inoganhurwa
yobva yadzokerana pakare pakare
zvokuti hapana anozoziva pawapfuura napo.
13Ndozvinesuwo, takati tichangobarwa
tikabva taguma,
hapana chakarurama chatakaratidzawo.
Asi takapera basa nouipi hwedu ihwohwo.”
14Chitarisiro chavasiri vanamati chakaita
sehundi inopepereswa nemhepo,
kana sehuruva inopupurutswa nedutu remhepo;
chinopararira seutsi hunovhuvhutwa nemhepo
chinorova somueni anogara kwezuva rimwechete.
15Asi vakarurama vanorarama nokusingaperi,
mubairo wavo uri kuna Tenzi;
iye Wokumusorosoro anovachengeta.
16Saizvozvo Mwari noruoko rwake achavadzika
zviremba zvinovapa mukurumbira, nokuvasunga
tsungare dzinovapa runako,
nokuti ndiye achavadzivirira norudyi rwake,
oita ruoko rwake kuti ive nhoo yavo.
17Shungu dzake Tenzi ndidzo dzaachaita demautare
rokuzvidzivirira naro muhondo,
zvisikwa achazviita zvombo zvokurwisa
vavengi nazvo.
18Achapfeka ruenzaniso sehembe
yesimbi yedemautare
Kutonga kusina rusaruro kuri iko nguwani,
19nhoo yake ichava ururami husingakundwi.
20Acharodza hasha dzake kuva bakatwa racho
zvisikwa zvose zvichava rimwe naye
kuita hondo namapenzi avanhu iwaya.
21Mheni icharova payakananga seyabva
muuta hwamakore hwakatatamurwa.
22Kuchakandwa chivhuramahwe chine hasha
sechinokandwa nerekeni.
Masaisai enyanza achamukira vavengi vake;
hasha dzenzizi dzichavanyudza
zvisina tsitsi.
23Mhepo inesimba guru ichavhuvhuta,
ichivapeperetsa sedutu.
Saka kushaya murawo kuchaparadzisa pasi pose,
uipi huchapazisa zvigaro zvamadzimambo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.