1Zofa muNaamati akazotaurawo achiti,
2“Iwo mashoko akawanda kudai
haafaniri kupindurwa here?
Iko kutaurisa kunoreva kuti munhu akarurama nhai?
3Iko kubvotomoka kwako uku
kunofanira kuita kuti vanhu vanyarare nhai?
Kana ukataura marara poshaya wokukutsiura here?
4Nokuti iwe unoti chidzidziso chako
ndicho chechokwadi; woti saka ndakachena panaMwari.
5Dai waro Mwari akambotaura,
ambozarura muromo achitaura kwauri.
6Ambokunyevera zvakavandika
zvoungwaru hwake hunoshaisa vangwaru mazano.
Ndopaungaone kuti Mwari
arikutokukanganwira zvimwe zvakaipa zvako.
Hudzame hwaMwari7“Ungakwanise here kuera udzamu hwaMwari?
Ungakwanise here kusvika kumuganhu waSamasimba?
8Ko zvino zvahunopfuura matenga
ungazvigone here iwe?
Zvahwakadzika kupinda nzvimbo yavafi ungazivei?
9Hwakareba kupinda nyika
wakapamhama kupfuura gungwa.
10Kana akakuvinga, akakusunga
akakukwidza dare angamudzivise ndiani?
11Vakaipa anovaziva
zvakaipa zvavanoita anozviona achitonyatsozvicherechedza.
12Benzi romunhu ringatozonzwisisa
kana mbizi yabereka munhu.
Mubayro wokutendeuka13“Dai kuri kuti unogadziridza hana yako
ugosimudzira maoko ako kwaari,
14dai ukakanda pasi kure uipi hwaunaho
uchirega kuita ukama nechakaipa;
15pakadaro, kana kusimudza musoro ungasimudze
pasisina mhosva, wasimba uye usisatyi.
16Ungatombokanganwa nhamo,
uchitodziyeuka semvura yakayerera.
17Upenyu hwako hunopenya kupinda masikati;
rima rahwo, richiita samambakwedza.
18Uchava nechivimbo nokuti unenge une chitarisiro,
unenge wakanyatsodzika midzi
wonyatsozorora wakagadzana mwoyo.
19Kana worara unonorara zvakanaka pasina anokutyisidzira
vazhinji vachatsvaka ushamwari newe.
20Maziso avakaipa acharezuka,
vasina pokupunyuka napo,
chavanenge vongoda
kufema femo ravo rokupedzisira.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.