Ungwaru 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ungwaru nesimba rahwo

hunosvika kwakaperera nyika

kundosvikawo kwayakaperera

huchironga zvinhu

zvose zvakanaka.

Ungwaru huna zvose zvakanaka

2Ungwaru ndakauda uye ndakautsvaga

kubvira pauduku hwangu;

ndaida kwazvo kuutora semwenga wangu

uye ndakatorwa mwoyo norunako rwahwo.

3Kufambidzana kwahwo naMwari

kunopamhidzira mbiri youchinda hwaho

uyewo Tenzi wazvose anohuda.

4Hwakapinzwa mukuziva ruzivo runa Mwari,

uye kuva ndiye mubatsiri wezvaanoita.

5Kana upfumi huri ihwo chinhu

chinodikanwa muupenyu,

chii chakapfuma kupinda ungwaru, muiti wazvose?

6Kana ruzivo ruchiita kuti zvinhu zviitike,

ndeipi mhizha yapasi pose, kusiya

ungwaru hwakaita zvose zviripo.

7Kana munhu achida ururami

inga zviito zvakarurama ibasa

rokuita kwahwo wani.

Nokuti ndihwo hunodzidzisa kuzvibata,

uye kungwarira pamaitiro

noruenzaniso noushingi;

muupenyu, hapana chinobatsira munhu

kupinda izvi.

8Kana munhu achida ruzivo

rwakanaka rwakawanda

ungwaru hunoziva zvechinyakare,

uye runoziva zvezvinhu zvichazoitika.

Hunogona kutsanangura

tsumo nokududzira zvirahwe.

Hune ruzivo rwezviri mberi zvezviratidzo,

nezvishamiso uye zvinozoitika

mushure memwaka nenguva.

Mambo ano ungwaru ndiye mambo chaiye

9Naizvozvo ndakatsunga mwoyo

kuti ndiutore ndigare nahwo,

ndichiziva kuti huchandipa mazano akanaka uyewo kuti

huchandikurudzira munhamo namatambudziko.

10Ndakati ndihwo huchaita kuti

ndizivikanwe navanhu vazhinji,

uye kuremekedzwa nevakura

kunyange ndiri muduku zvangu.

11Padare ndichava nyanzvi pakutonga

uyezve vakuru vakuru vachashamiswa neni.

12Kana ndichinge ndakanyarara,

vachamirira kuti nditaure;

kana ndichinge ndotaura,

vachateya nzeve;

kana ndikaramba ndichitaura,

vachabata miromo.

13Ungwaru huchasaka kuti

ndivepo nokusingaperi,

ndichasiyira vanonditevera

mbiri isingakanganwiki narini.

14Ndichava mutongi wenyika zhinji,

marudzi akasiyana–siyana

achava pasi pangu.

15Kungonzwa zita rangu kwoga,

kuchadederesa madzimambo anotyisa.

Vanhu vangu vachaona

kuti ndiri mutongi wamandorokwati,

nemvumba yokurwa muhondo.

16Kana ndichinge ndadzokera kumba

ndinozorora nahwo ungwaru,

nokuti kushamwaridzana nahwo

hakuna chinotambudza

uye, kugara nahwo hakuna chinorwadza

asi kuti kunotopa rufaro

nokufaranutsa mwoyo.

Soromoni ava kuzokumbira ungwaru

17Pandakati kunun'unu kurangarira

zvinhu izvozvi mumwoyo mwangu,

ndakaona kuti kugarisana noungwaru

kunopa kusafa,

18uye, ushamwari nahwo hunopawo

rufaro kwarwo,

uyezve, basa raunoita rinopa

upfumi husingaperi.

Kufambidzana nahwo kunopa kunzwisisa,

kukurukurirana nahwo kunopa mukurumbira.

Ndosaka ndaiutsvaka kuti ndiuwane,

huve hwangu.

19Pandaiva mudiki ndaiva mwana kwaye,

ndakapiwa mweya wounhu;

20kana kuti iyeni mweya ndakanga ndakanaka

ndakapinda mumuviri usina kun'ora.

21Asi zvandakaona kuti handigoni

kuwana ungwaru,

kusatoti ndahupiwa naMwari,

hwaitova ungwaru hwokuti ndione kunobva chipo

ichi ndakachema kuna Mwari ndikamuteterera,

ndikanamata kwaari nomwoyo wangu wose ndichiti:

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help