1Ungwaru nesimba rahwo
hunosvika kwakaperera nyika
kundosvikawo kwayakaperera
huchironga zvinhu
zvose zvakanaka.
Ungwaru huna zvose zvakanaka2Ungwaru ndakauda uye ndakautsvaga
kubvira pauduku hwangu;
ndaida kwazvo kuutora semwenga wangu
uye ndakatorwa mwoyo norunako rwahwo.
3Kufambidzana kwahwo naMwari
kunopamhidzira mbiri youchinda hwaho
uyewo Tenzi wazvose anohuda.
4Hwakapinzwa mukuziva ruzivo runa Mwari,
uye kuva ndiye mubatsiri wezvaanoita.
5Kana upfumi huri ihwo chinhu
chinodikanwa muupenyu,
chii chakapfuma kupinda ungwaru, muiti wazvose?
6Kana ruzivo ruchiita kuti zvinhu zviitike,
ndeipi mhizha yapasi pose, kusiya
ungwaru hwakaita zvose zviripo.
7Kana munhu achida ururami
inga zviito zvakarurama ibasa
rokuita kwahwo wani.
Nokuti ndihwo hunodzidzisa kuzvibata,
uye kungwarira pamaitiro
noruenzaniso noushingi;
muupenyu, hapana chinobatsira munhu
kupinda izvi.
8Kana munhu achida ruzivo
rwakanaka rwakawanda
ungwaru hunoziva zvechinyakare,
uye runoziva zvezvinhu zvichazoitika.
Hunogona kutsanangura
tsumo nokududzira zvirahwe.
Hune ruzivo rwezviri mberi zvezviratidzo,
nezvishamiso uye zvinozoitika
mushure memwaka nenguva.
Mambo ano ungwaru ndiye mambo chaiye9Naizvozvo ndakatsunga mwoyo
kuti ndiutore ndigare nahwo,
ndichiziva kuti huchandipa mazano akanaka uyewo kuti
huchandikurudzira munhamo namatambudziko.
10Ndakati ndihwo huchaita kuti
ndizivikanwe navanhu vazhinji,
uye kuremekedzwa nevakura
kunyange ndiri muduku zvangu.
11Padare ndichava nyanzvi pakutonga
uyezve vakuru vakuru vachashamiswa neni.
12Kana ndichinge ndakanyarara,
vachamirira kuti nditaure;
kana ndichinge ndotaura,
vachateya nzeve;
kana ndikaramba ndichitaura,
vachabata miromo.
13Ungwaru huchasaka kuti
ndivepo nokusingaperi,
ndichasiyira vanonditevera
mbiri isingakanganwiki narini.
14Ndichava mutongi wenyika zhinji,
marudzi akasiyana–siyana
achava pasi pangu.
15Kungonzwa zita rangu kwoga,
kuchadederesa madzimambo anotyisa.
Vanhu vangu vachaona
kuti ndiri mutongi wamandorokwati,
nemvumba yokurwa muhondo.
16Kana ndichinge ndadzokera kumba
ndinozorora nahwo ungwaru,
nokuti kushamwaridzana nahwo
hakuna chinotambudza
uye, kugara nahwo hakuna chinorwadza
asi kuti kunotopa rufaro
nokufaranutsa mwoyo.
Soromoni ava kuzokumbira ungwaru17Pandakati kunun'unu kurangarira
zvinhu izvozvi mumwoyo mwangu,
ndakaona kuti kugarisana noungwaru
kunopa kusafa,
18uye, ushamwari nahwo hunopawo
rufaro kwarwo,
uyezve, basa raunoita rinopa
upfumi husingaperi.
Kufambidzana nahwo kunopa kunzwisisa,
kukurukurirana nahwo kunopa mukurumbira.
Ndosaka ndaiutsvaka kuti ndiuwane,
huve hwangu.
19Pandaiva mudiki ndaiva mwana kwaye,
ndakapiwa mweya wounhu;
20kana kuti iyeni mweya ndakanga ndakanaka
ndakapinda mumuviri usina kun'ora.
21Asi zvandakaona kuti handigoni
kuwana ungwaru,
kusatoti ndahupiwa naMwari,
hwaitova ungwaru hwokuti ndione kunobva chipo
ichi ndakachema kuna Mwari ndikamuteterera,
ndikanamata kwaari nomwoyo wangu wose ndichiti:
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.