Sira 41 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rufu

1Iwe rufu, kukufunga chete kunobaya semwoyo

kumunhu akagarika mukati

nezvinhu zvake,

munhu asina nechinomutambudza, akabudirira muna zvose,

achine simba rokugona kunakirwa nokuzvidyira.

2Iwe rufu zvaunenge watonga

zvinogamuchirika namaoko maviri

kumunhu ava muushayi, ava kupererwa nesimba,

kana ava harahwa chaiyo yakwegura yava kuzvidya

mwoyo nezvakawanda,

yava nenharo isina mwoyo murefu.

3Usatye zvinenge zvatongwa norufu,

yeuka avo vakafanokutangira

uye vachazokutevera mushure mako.

Izvozvi izvi zvinhu zvakatemerwa munhu ari wose,

naMwari.

4Ungarambe sei zvinodiwa noWokumusorosoro.

Kana dai ukararama kwegumi ramakore,

kana zana, kana chiuru,

munzvimbo yavakafa hauzvipirwi mhosva.

Mugumo wavasina hanya naMwari

5Vana vavanhu vanotadzira Mwari vanosemesa,

nokuti vanofambidzana navasiri vanamati.

6Nhaka yavana vavanhu vanotadzira Mwari ichaparara,

vavanoberekawo kushorekana kucharamba kuri kwavo.

7Baba vasiri munamati vanopiwa mhosva navana vavo,

nokuti kushorwa kwavo kwakasakiswa naivo.

8Zvichakuwanai zvenyu imi musiri vanamati

makafuratira mutemo waMwari Wokumusorosoro.

9Paunoberekwa unoberekerwa rushambwa,

paunozofa kashambwa ndekako.

10Chose chinobva kuvhu chichadzokerawo kuvhu,

ndozvimwechetezvo navamunhu vasiri vanamati

vanobva mukashambwa vachipinda mukuparadzwa.

11Parufu vanhu vanochema chitunha chomufi,

asi zita rakaipa romutadzi rinobva raroveswa.

12Chenjerera zita rako, nokuti richagara nokugara

kupinda churu chemirwi yendarama.

13Upenyu hwakanaka huna mazuva anoverengeka,

asi zita rakanaka rinoramba riripo narini wose.

Nyadzi

14Vanangu, inzwai zvandinokudzidzisai muve norugare.

Ungwaru hwakavanzwa kana upfumi hwakavigwa,

zvose zviri zviviri zvinobatsirei?

15Munhu anovanza upenzi hwake

ari nani pano uyo anovanza ungwaru hwake.

16Naizvozvo remekedza mashoko angu,

nokuti haufaniri kunyara nezvinhu zvose zvose,

kunyange zvinhu zvakanaka hazviyemurwe nomunhu wose.

17Nyara kuita zvakafumuka pana baba naamai;

kana kunyepa pamberi pomutongi kana pegurukota;

18kana kupara mhosva pane mutongi kana jinda,

kana kudarika mutemo pamberi pesangano

kana pamberi pavanhu

kana kuita zvisina ruenzaniso pamberi

peshamwari kana mumwe wako,

19kana kuba panzvimbo yaunogara.

20Nyarawo kutyora mhiko kana chitsidzo,

kanawo kudya wakamisa magokora ako patafura.

21Nyarawo kushora anokupa, kana waunopa,

kana kunyararira vanokukwazisa.

22Nyarawo kunan'anidza pfambi,

kana kuomesera hama mwoyo,

23kana kubira mumwe mugove wake, kana chipo chake,

kana kuva chikomba chomukadzi womumwe,

24kana kuita zvakaipa nomusikana webasa womumwe wako

usamboswedera pamubhedha wake!

25Nyarawo kutuka pane shamwari,

rega kupa chipo uchikonorera.

26Nyarawo kutaura zvawanzwa,

kana kuparidzira zvakavandika.

27Kana ukanyara mune zvinhu zvakadai

vanhu vose vanozokuti uri munhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help