Jobhu 7 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Upenyu hauna chitarisiro

1Mazuva omunhu panyika

haasi mazuva okushanda zvakaomarara here?

Mazuva ake haana kuita here samazuva omushandi?

2Senhapwa inosuwira mumvuri,

uye somushandi anosuwira mubayiro?

3Saizvozvo ndakatemerwa

mwedzi yandisina chokuita

nousiku hwokungotambura ndihwo hwandakapiwa.

4Ndikarara pasi, ndinenge ndichingoti

ndichamuka rinhi?

Asi usiku hwakareba

ndinongoshanyarika kusvikira kwoedza.

5Muviri wangu

unongova honye dzoga uye tsvina,

ganda rangu rinongoti kakata kuoma

pedzepo urwa puti.

6Mazuva angu

anenge chivhimbo chomuruki kumhanya

anopera pasina chitarisiro.

Mazwi aJobhu okunamata

7Yeukai kuti upenyu hwangu

hwakaita sefemo.

Ziso rangu, zvakanaka, harichazombozvioni.

8Ziso riri kundiona, harichazondionizve,

muchanditarisa asi ndichange ndisisipo.

9Sokumwararika kunoita gore richinyangarika,

munhuwo anoenda kunzvimbo yavafi haadzokeko.

10Haadzoke kumba kwake

nzvimbo yake haizombomuzivazve.

11Naizvozvo handimborega kutaura

ndichangotaura chete

mukushungurudzika mwoyo kwangu ikoko.

Ndichanyunyuta mukurwadziwa mwoyo kwangu.

12Ko ndava gungwa here ini

kana kuti zigaranyanya romugungwa

zvomondiisira vokundigaririra kudai?

13Pandinenge ndoti

aiwa mubhedha wangu

wombondipawo kakuzorora,

sofa rangu rimboyerura kugurukuta kwangu,

14ndipo pamunotondityisidzira muhope

muchindivhundutsa nezviratidzo

15zvokuti ndinosarudza kudzipwa zvangu

kana kufa pane kuva nomuviri wangu uyu.

16Ndavakutovenga upenyu hwangu;

zvokugara nokusingaperi handichadi.

Siyanai neni,

nokuti mazuva angu akangoita sefemo.

17Munhu chiiwo zvake

zvamunotomusimudzira pamusoro kudaro,

munhu zvake zvamunotomufungawo kudaro,

18zvamunomushanyira mangwanani oga oga

muchimuedza nguva iri yose?

19Uko kundiringisa mucharegawo rinhi?

Kana kumbondipawo kanguva kokumedza mate?

20Kana ndikapara zvangu chitadzo

chachinokuitai chii chaizvo,

nhai imi mutarisi wavanhu?

Ko maramba mangoti neni nangananga sei?

Nemhaka yei ndave mutoro kwamuri?

21Munorega nei kundiregererawo chitadzo changu

muchindibvisirawo uipi hwangu?

Nokuti pari zvino ndicharara muvhu

muchanditsvaka asi ndinenge ndisisiri chinhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help