1 Nhoroondo 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Dzinza ravapristi vakuruRevhi

1Vanakomana vaRevhi:

ndiGerishoni naKohati naMerari.

2Vana vakomana vaKohati:

ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.

3Vanawo vaAmuramu:

ndiAroni naMosesi naMiriamu.

Vanakomana vaAroni:

ndavanaNadhabhu naAbhihu naEreazari

naItamaru.

4Ereazari ndiye baba waFinehasi,

Finehasi ndibaba waAbhishua,

5Abhishua abereka Bhuki,

6Bhuki azobereka Uzi,

Uzi ndiye baba waZerahiya.

7Zerahiya ndibaba waMeraioti,

Meraioti vari baba waAmariya,

Amariya abereka Ahitubhu.

8Ahitubhu akaberekawo Zadhoki

Zadhoki ari baba waAhimaazi,

9Ahimaazi ari baba waAzariya.

10Azariya ndibaba waJohanani,

Johanani ndiye baba waAzariya.

Iye Azariya uyu ndiye uya aiva

mupristi muTemberi iya yakavakwa

naSoromoni muJerusaremu.

11Azariya ndiye baba waAmariya.

Amariya akabereka Ahitabhu,

12Ahitubhu akazobereka Zadhoki,

Zadhoki akazobereka Sharumu,

13Sharumu akabereka Hirikiya,

Hirikiya akazobereka Azariya.

14Azariya ndibaba waSeraya,

Seraya ari baba waJehozadhaki.

15Jehozadhaki uyu akatapwawo Mwari paakaendesa vokwaJudha neJerusaremu muutapwa ari mumaoko aNebhukadhinezari.

Zvimwe zvizvarwa zvokwaRevhi

16Vanakomana vaRevhi:

ndiGerishomu naKohati naMerari.

17Vanawo vaGerishomu vakomana:

ndavanaRibhuni naShimei.

18Vana vaKohati:

vakomana ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.

19Vanakomana vaMerari:

ndiMahiri naMushi.

Ivava ava ndivo mhuri

dzokwaRevhi imba nemba.

20VokwaGerishomu: vakamira vakadai izvi:

mwanakomana wake ndiRibhuni

waRibhuni ndiJahati

waJahati ndiZima

waZima ndiJoa.

21Mwanakomana waJoa ndiIdho

waIdho ndiZera

waZera ndiJeatierai.

22VokwaKohati vakamirawo vakadai:

mwanakomana wake ndiAminadhabhu

waAminadhabhu ndiKora

waKora ndiAsiri.

23Mwanakomana waAsiri ndiErikana

waErikana ndiEbhiasafu

waEbhiasafu ndiAsiri

waAsiri ndiTahati.

24Mwanakomana waTahati: ndiUrieri

waUrieri ndiUziya

waUziya ndiShauru.

25Vana vaErikana vakomana: ndiAmasai naAhimoti.

26Mwanakomana waAhimoti ndiErikana

waErikana ndiZofai

waZofai ndiNahati

27waNahati ndiEriyabhu

waEriyabhu ndiJerohamu

waJerohamu ndiErikana.

28Vanakomana vaSamueri: ndiJoeri dangwe rake

wechipiri ndiAbhiya.

29Vanakomana vaMerari:

ndiMahiri waMahiri ndiRibhuni

waRibhuni ndiShimei

30waShimei ndiUza

waUza ndiShimea

waShimea ndiHagiya

waHagiya ndiAsaya.

Vaimbi vomumba yaTenzi

31Havanoi varume vakaiswa naDhavhidhi pabasa rokuona nezvokuimba mumba yaTenzi pakazenge zvino bhokisi rechitenderano razororamo.

32Vaiva vokuimba nziyo pamberi petendhe rinoera mutendhe rokusanganira kusvikirawo Soromoni apedza kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu. Basa ravo vairiita vachitevedza zvavakanga vakarongerwa.

33Varume vacho vaiita basa iroro pamwechete navana vavo vakomana vakamira vakadai izvi, kuvanakomana vokwaKohati kunoti:

Hemani aiva muimbi

ari mwanakomana waJoeri uya mwanakomana waSamueri

uye aberekwa naErikana

34mwanakomana waJerohamu aberekwa

naErieri mwanakomana waToa ari

mwana waZufu

35wokuberekwa naErikana

akaberekwa naMahati, mwanakomana waAmasai

aberekawo Erikana

36mwana waJoeri iye ari mwana waAzariya

aberekwa naZefaniya

mwanakomana waTahati

37azoberekwa naAsiri mwana waEbhiyasafu

aberekwawo naKora,

mwanakomana waIzhari

38mwana waKohati waberekwa naRevhi,

mwanakomana waIsiraeri

39kwouya munun'una wake Asafu

aimira kurudyi kwake:

Asafu uyu mwanakomana waBherekiya akaberekwa

naShimea mwana waMikaeri

40uyu ari mwanakomana waBhaaseya

akaberekwa naMarikiya mwana

waEtini mwana waZera aberekwa naAdhaya

41mwanakomana waEtani akaberekwa

42naZima mwana waShimei

43mwanakomana waJahati aberekwa

naGerishomu mwanakomana waRevhi.

44Kuruboshwe kwaiva nehama dzavo vanakomana

vokwaMerari:

vakanga vari vanaEtani mwanakomana waKishi

mwana waAbhudhi

aberekwa naMaruki okuberekwa

45naHashabhiya

mwana waAmaziya mwanakomana waHirikiya aberekwa

naAmuzi ariwo mwana waBhani

mwanakomana waShemeru

46aberekwa naMahiri uyu ari mwana waMushi

47mwanakomana waMerari aberekwa naRevhi.

48Hama dzavo dzokwaRevhi dzakasarudzwa kuita basa romunzvimbo inoera mumba yaMwari.

Zvizvarwa zvokwaAroni

49Asi Aroni navanakomana vake ndivo vaiva vokupira mipiro paatari yomupiro wokupisa napaatari yorusenzi pamwechete nebasa rose romunzvimbo inoeresesa nokupfupirirawo vaIsiraeri zvitadzo maererano nezvose zvakanzi naMosesi zviitwe.

50Vanakomana vaAroni:

ndiEreazari waEreazari ndiFinehasi

waFinehasi ndiAbhishua

51mwanawo waAbhishua:

ndiBhuki waBhuki ndiUzi

waUzi ndiZerahiya

52mwanakomana waZerahiya ndiMeraioti

waMeraioti ndiAmariya

waAmariya ndiAhitubhu

53mwanawo waAhitubhu ndiZadhoki

waZadhoki ndiAhimaazi.

Kwaigara vaRevhi

54Uku ndiko kugara kwavakanga vakaita zvichienderana nemamana avo mudunhu rokwavo. Vanakomana vaAroni vemhuri dzokwaKohati vakapiwa kwavo nechin'ange.

55Vakagoverwa Hebhuroni munyika yokwaJudha namafuro aro akaripotoredza.

56Asi minda yeguta racho nemisha yaro vakapa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

57Maguta okundopotera akapiwa vanakomana vokwaAroni ndaaya aya:

kunoti Hebhuroni neRibhuna namafuro aro

neJatiri neEshitemoa namafuro awo

58kwouya Hireni namafuro aro

59uye Dhebhiri namafuro aro

neAshani namafuro aro

neBhetishemeshi namafuro aro.

60Avakapiwa kwaBhenjamini ndeaya anoti:

Gebha namafuro aro

neAremeti namafuro aro

uye Anatoti namafuro aro.

Ose pamwechete maguta avo mudzimhuri dzokwavo aiva gumi namatatu.

61Vamwe vose vokwaKohati vakagoverwawo maguta gumi nechin'ange mumhuri yedzinza racho uye nomuchikamu chimwe chevokwaManase.

62VokwaGerishomi mhuri nemhuri vakagoverwa maguta gumi namatatu mune vedzinza rokwaIsakari nerokwaAsheri nerokwaNafutari nerokwaManase muBhashani.

63VokwaMerari mhuri nemhuri vakagoverwawo maguta gumi namaviri mudzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni.

64Saizvozvo vanhu veIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo.

65Vakagoverwawo nechin'ange mune vedzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini maguta iwaya ataurwa nemazita.

66Vamwe vemhuri dzevanakomana vokwaKohati vaivawo namaguta omudunhu ravo mune vedzinza rokwaEfuremu.

67Vakagoverwa maguta okundopotera aya anoti Shikemu namafuro aro munyika yokwaEfuremu yamakomo, kwouya Gezeru namafuro aro

68kwoti Jokimeamu namafuro aro

neBhetihoroni namafuro aro

69kwozoti Aijaroni namafuro aro

neGatirimoni namafuro aro

70kwouyawo mune vechimwe chikamu

chevedzinza rokwaManase ndeaya:

kunoti Aneru namafuro aro

neBhireamu namafuro aro

edzimwe mhuri dzose dzokwaKohati.

71VokwaGerishomu: vakagoverwa

mune chimwewo chikamu chevedzinza

rokwaManase vakapiwa:

Gorani muBhashani namafuro aro,

neAshitaroti namafuro aro.

72Mune vedzinza rokwaIsakari vakagoverwa:

Kedheshi namafuro aro

neDhabherati namafuro aro

73kwouya Ramoti namafuro aro

neAnemu namafuro aro.

74Mune vedzinza rokwaAsheri vakapiwa:

Mashari namafuro aro

neAbhudhoni namafuro aro

75kwouya Hukoki namafuro aro

neRehobhu namafuro aro.

76Mune vedzinza rokwaNafutari vakagoverwa:

Kedheshi muGarirea namafuro aro

neHamoni namafuro aro

neKiriatiaimu namafuro aro.

77Vamwe vose vokwaMerari:

vakagoverwa mune vedzinza rokwaZebhuruni.

Rimoni namafuro aro

neTabhori namafuro aro.

78Kumhiri kwaJorodhani:

kuJeriko mune vedzinza rokwaRubheni vakapiwa

Bhezeri riri pamutunhu namafuro aro

neJahiza namafuro aro

79kwouya Kedhemoti namafuro aro

neMefaati namafuro aro.

80Mune vedzinza rokwaGadhi vakagoverwa:

Ramoti muGireadhi namafuro aro

neMahanaimu namafuro aro

81kwouya Heshibhoni namafuro aro

kwozoti Jazeru namafuro aro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help