1Vanakomana vaRevhi:
ndiGerishoni naKohati naMerari.
2Vana vakomana vaKohati:
ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.
3Vanawo vaAmuramu:
ndiAroni naMosesi naMiriamu.
Vanakomana vaAroni:
ndavanaNadhabhu naAbhihu naEreazari
naItamaru.
4Ereazari ndiye baba waFinehasi,
Finehasi ndibaba waAbhishua,
5Abhishua abereka Bhuki,
6Bhuki azobereka Uzi,
Uzi ndiye baba waZerahiya.
7Zerahiya ndibaba waMeraioti,
Meraioti vari baba waAmariya,
Amariya abereka Ahitubhu.
8Ahitubhu akaberekawo Zadhoki
Zadhoki ari baba waAhimaazi,
9Ahimaazi ari baba waAzariya.
10Azariya ndibaba waJohanani,
Johanani ndiye baba waAzariya.
Iye Azariya uyu ndiye uya aiva
mupristi muTemberi iya yakavakwa
naSoromoni muJerusaremu.
11Azariya ndiye baba waAmariya.
Amariya akabereka Ahitabhu,
12Ahitubhu akazobereka Zadhoki,
Zadhoki akazobereka Sharumu,
13Sharumu akabereka Hirikiya,
Hirikiya akazobereka Azariya.
14Azariya ndibaba waSeraya,
Seraya ari baba waJehozadhaki.
15Jehozadhaki uyu akatapwawo Mwari paakaendesa vokwaJudha neJerusaremu muutapwa ari mumaoko aNebhukadhinezari.
Zvimwe zvizvarwa zvokwaRevhi16Vanakomana vaRevhi:
ndiGerishomu naKohati naMerari.
17Vanawo vaGerishomu vakomana:
ndavanaRibhuni naShimei.
18Vana vaKohati:
vakomana ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.
19Vanakomana vaMerari:
ndiMahiri naMushi.
Ivava ava ndivo mhuri
dzokwaRevhi imba nemba.
20VokwaGerishomu: vakamira vakadai izvi:
mwanakomana wake ndiRibhuni
waRibhuni ndiJahati
waJahati ndiZima
waZima ndiJoa.
21Mwanakomana waJoa ndiIdho
waIdho ndiZera
waZera ndiJeatierai.
22VokwaKohati vakamirawo vakadai:
mwanakomana wake ndiAminadhabhu
waAminadhabhu ndiKora
waKora ndiAsiri.
23Mwanakomana waAsiri ndiErikana
waErikana ndiEbhiasafu
waEbhiasafu ndiAsiri
waAsiri ndiTahati.
24Mwanakomana waTahati: ndiUrieri
waUrieri ndiUziya
waUziya ndiShauru.
25Vana vaErikana vakomana: ndiAmasai naAhimoti.
26Mwanakomana waAhimoti ndiErikana
waErikana ndiZofai
waZofai ndiNahati
27waNahati ndiEriyabhu
waEriyabhu ndiJerohamu
waJerohamu ndiErikana.
28Vanakomana vaSamueri: ndiJoeri dangwe rake
wechipiri ndiAbhiya.
29Vanakomana vaMerari:
ndiMahiri waMahiri ndiRibhuni
waRibhuni ndiShimei
30waShimei ndiUza
waUza ndiShimea
waShimea ndiHagiya
waHagiya ndiAsaya.
Vaimbi vomumba yaTenzi31Havanoi varume vakaiswa naDhavhidhi pabasa rokuona nezvokuimba mumba yaTenzi pakazenge zvino bhokisi rechitenderano razororamo.
32Vaiva vokuimba nziyo pamberi petendhe rinoera mutendhe rokusanganira kusvikirawo Soromoni apedza kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu. Basa ravo vairiita vachitevedza zvavakanga vakarongerwa.
33Varume vacho vaiita basa iroro pamwechete navana vavo vakomana vakamira vakadai izvi, kuvanakomana vokwaKohati kunoti:
Hemani aiva muimbi
ari mwanakomana waJoeri uya mwanakomana waSamueri
uye aberekwa naErikana
34mwanakomana waJerohamu aberekwa
naErieri mwanakomana waToa ari
mwana waZufu
35wokuberekwa naErikana
akaberekwa naMahati, mwanakomana waAmasai
aberekawo Erikana
36mwana waJoeri iye ari mwana waAzariya
aberekwa naZefaniya
mwanakomana waTahati
37azoberekwa naAsiri mwana waEbhiyasafu
aberekwawo naKora,
mwanakomana waIzhari
38mwana waKohati waberekwa naRevhi,
mwanakomana waIsiraeri
39kwouya munun'una wake Asafu
aimira kurudyi kwake:
Asafu uyu mwanakomana waBherekiya akaberekwa
naShimea mwana waMikaeri
40uyu ari mwanakomana waBhaaseya
akaberekwa naMarikiya mwana
waEtini mwana waZera aberekwa naAdhaya
41mwanakomana waEtani akaberekwa
42naZima mwana waShimei
43mwanakomana waJahati aberekwa
naGerishomu mwanakomana waRevhi.
44Kuruboshwe kwaiva nehama dzavo vanakomana
vokwaMerari:
vakanga vari vanaEtani mwanakomana waKishi
mwana waAbhudhi
aberekwa naMaruki okuberekwa
45naHashabhiya
mwana waAmaziya mwanakomana waHirikiya aberekwa
naAmuzi ariwo mwana waBhani
mwanakomana waShemeru
46aberekwa naMahiri uyu ari mwana waMushi
47mwanakomana waMerari aberekwa naRevhi.
48Hama dzavo dzokwaRevhi dzakasarudzwa kuita basa romunzvimbo inoera mumba yaMwari.
Zvizvarwa zvokwaAroni49Asi Aroni navanakomana vake ndivo vaiva vokupira mipiro paatari yomupiro wokupisa napaatari yorusenzi pamwechete nebasa rose romunzvimbo inoeresesa nokupfupirirawo vaIsiraeri zvitadzo maererano nezvose zvakanzi naMosesi zviitwe.
50Vanakomana vaAroni:
ndiEreazari waEreazari ndiFinehasi
waFinehasi ndiAbhishua
51mwanawo waAbhishua:
ndiBhuki waBhuki ndiUzi
waUzi ndiZerahiya
52mwanakomana waZerahiya ndiMeraioti
waMeraioti ndiAmariya
waAmariya ndiAhitubhu
53mwanawo waAhitubhu ndiZadhoki
waZadhoki ndiAhimaazi.
Kwaigara vaRevhi54Uku ndiko kugara kwavakanga vakaita zvichienderana nemamana avo mudunhu rokwavo. Vanakomana vaAroni vemhuri dzokwaKohati vakapiwa kwavo nechin'ange.
55Vakagoverwa Hebhuroni munyika yokwaJudha namafuro aro akaripotoredza.
56Asi minda yeguta racho nemisha yaro vakapa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.
57Maguta okundopotera akapiwa vanakomana vokwaAroni ndaaya aya:
kunoti Hebhuroni neRibhuna namafuro aro
neJatiri neEshitemoa namafuro awo
58kwouya Hireni namafuro aro
59uye Dhebhiri namafuro aro
neAshani namafuro aro
neBhetishemeshi namafuro aro.
60Avakapiwa kwaBhenjamini ndeaya anoti:
Gebha namafuro aro
neAremeti namafuro aro
uye Anatoti namafuro aro.
Ose pamwechete maguta avo mudzimhuri dzokwavo aiva gumi namatatu.
61Vamwe vose vokwaKohati vakagoverwawo maguta gumi nechin'ange mumhuri yedzinza racho uye nomuchikamu chimwe chevokwaManase.
62VokwaGerishomi mhuri nemhuri vakagoverwa maguta gumi namatatu mune vedzinza rokwaIsakari nerokwaAsheri nerokwaNafutari nerokwaManase muBhashani.
63VokwaMerari mhuri nemhuri vakagoverwawo maguta gumi namaviri mudzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni.
64Saizvozvo vanhu veIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo.
65Vakagoverwawo nechin'ange mune vedzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini maguta iwaya ataurwa nemazita.
66Vamwe vemhuri dzevanakomana vokwaKohati vaivawo namaguta omudunhu ravo mune vedzinza rokwaEfuremu.
67Vakagoverwa maguta okundopotera aya anoti Shikemu namafuro aro munyika yokwaEfuremu yamakomo, kwouya Gezeru namafuro aro
68kwoti Jokimeamu namafuro aro
neBhetihoroni namafuro aro
69kwozoti Aijaroni namafuro aro
neGatirimoni namafuro aro
70kwouyawo mune vechimwe chikamu
chevedzinza rokwaManase ndeaya:
kunoti Aneru namafuro aro
neBhireamu namafuro aro
edzimwe mhuri dzose dzokwaKohati.
71VokwaGerishomu: vakagoverwa
mune chimwewo chikamu chevedzinza
rokwaManase vakapiwa:
Gorani muBhashani namafuro aro,
neAshitaroti namafuro aro.
72Mune vedzinza rokwaIsakari vakagoverwa:
Kedheshi namafuro aro
neDhabherati namafuro aro
73kwouya Ramoti namafuro aro
neAnemu namafuro aro.
74Mune vedzinza rokwaAsheri vakapiwa:
Mashari namafuro aro
neAbhudhoni namafuro aro
75kwouya Hukoki namafuro aro
neRehobhu namafuro aro.
76Mune vedzinza rokwaNafutari vakagoverwa:
Kedheshi muGarirea namafuro aro
neHamoni namafuro aro
neKiriatiaimu namafuro aro.
77Vamwe vose vokwaMerari:
vakagoverwa mune vedzinza rokwaZebhuruni.
Rimoni namafuro aro
neTabhori namafuro aro.
78Kumhiri kwaJorodhani:
kuJeriko mune vedzinza rokwaRubheni vakapiwa
Bhezeri riri pamutunhu namafuro aro
neJahiza namafuro aro
79kwouya Kedhemoti namafuro aro
neMefaati namafuro aro.
80Mune vedzinza rokwaGadhi vakagoverwa:
Ramoti muGireadhi namafuro aro
neMahanaimu namafuro aro
81kwouya Heshibhoni namafuro aro
kwozoti Jazeru namafuro aro.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.