Nziyo 10 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Munamato wokukumbira ruenzaniso

1Ko munomirireiko kure nhai TENZI?

Ko munozvivanzireiko panguva yenhamo?

2Munhu wakaipa anototi sika sika zvake

kudzingirira murombo.

Itai kuti vabatwe nemisungo yavakazviteera

3nokuti munhu akaipa anotozvirovera dundundu

havi dzake.

Munhu ana makaro anoshonha

nokuramba TENZI.

4Munhu wakaipa, nokuzvikudza kwake,

muna zvose zvaanofunga

haana basa naTENZI, anoti,

“Hakuna Mwari.”

5Zvose zvaanoita zvinobudirira.

Matongero enyu ari kure naye;

ari kokoko kumusoro kure naye;

kana zviri zvavavengi vake,

anovasinamisira uso.

6Anozviti nechomumwoyo, handimbotsukunyuki,

pazvizvarwa zvose hapana chinondiwana.

7Kurengerera rushambwa, nounyengedzi

nokutyisidzira zvinogara zviri pamuromo pake.

Rurimi rwake nderwomusikanzwa nouipi.

8Anohwandira mumamisha

achiuraya vasina mhosva muchivande;

maziso ake anonyatsotarisa vanenge vawiramo;

9anonyangira muchivande seshumba;

anonyangira kuti abate varombo;

anobata murombo kana amukwevera mumambure ake.

10Vanenge vawira, vanopwanyiwa

vachitoti mvuchata pasi

pamusana pesimba rake.

11Anofunga kuti Mwari anokanganwa;

anozarira maziso ake;

haambondioni.

12Simukai, TENZI Mwari

simudzai ruoko rwenyu

regai kukanganwa vatamburi.

13Chii chinopa kuti wakaipa ashore Mwari,

achizviti, mumwoyo make,

Mwari haandiripise.

14Imi munoona zvenyu,

hongu matambudziko nenhamo munozviona;

munozvibata kuti muzotsividza noruoko rwenyu,

nherera dzinozviisa mumaoko enyu

imi mubatsiri wenherera.

15Tyorai simba roruoko rwowakaipa nomutadzi

uipi hwake hutsvakei kusvikira pasisina.

16TENZI ndimambo nokusingaperi,

vechirudzi vachaparara munyika make.

17TENZI imi muchanzwa chichemo chavarombo.

Muchavasimbisa mwoyo

muchivarerekerera nzeve yenyu

18kuti muitire nherera navatamburi ruenzaniso

kuitira kuti munhu akabva zvake kuvhu

arege kutyisa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help