Nziyo 106 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Nyika inoreurura zvitadzo zvayo kuna Mwari wakanaka

1Areruya.

Tendai TENZI nokuti wakanaka

nokuti mwoyochena wake hauperi.

2Ndiani angataure

mabasa aTENZI esimba

kana angaparidze mukurumbira wake?

3Vakakomborerwa zvavo

vanoita zvino ruenzaniso;

vanoita zvakarurama nguva dzose.

4Ndiyeukeiwo TENZI

pamunoratidza vanhu venyu

kuvada kwenyu.

Ndiyamureiwo pamunovanunura

5kuti ndiwanewo kubudirira

kwavasarudzwi venyu

kuti ndifarewo panofara vanhu venyu.

Ndigopemberawo nenhaka yenyu.

6Asi pamwechete namadzibaba edu takatadza.

Takaita zvakaipa

takaita zvisakarurama.

7Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti

havana kurangarira

mabasa enyu anoshamisa.

Havana kuyeuka

kuita mwoyochena kwenyu kwakawanda

asi vakatopandukira Wokumusorosoro

paGungwa Dzvuku.

8Zvakadaro zvazvo

akavanunura pamusana pezita rake

kuti aratidze simba rake guru.

9Akakarira Gungwa Dzvuku

rikava napakaoma;

akavatungamirira napakadzika

sokunge vaiva mugwenga.

10Nokudaro akavanunura

mumaoko omuvengi

akavaponesa kusimba remhandu.

11Mvura yakafukidza vaivarwisa

hakuna kana mumwechete wavo akasara.

12Ndipo pavakatenda mazwi ake

vakaimba vachimurumbidza.

13Asi havana kutana kukanganwa

mabasa ake;

havana kumirira mazano ake.

14Asi vakaita makaro murenje,

vakaedza Mwari mugwenga.

15Akavapa zvavakakumbira

asi akavatumira denda rinoparadza.

16Vanhu pavakaitira Mosesi shanje pamatendhe

naAroni mutsvene waTENZI.

17Nyika yakabamuka ikamedza Dhatani

ikafukidza vechikwata chokwaAbhiramu.

18Moto wakabaka muchikwata chavo;

rimi romoto rikapisa vakaipa.

19Vakaumba chimhuru kuHorebhu

vakagwadamira chifananidzo chakaumbwa.

20Mbiri yavaifanira kupa Mwari

vakaipa kuchifananidzo chemombe inodya uswa.

21Vakakanganwa Mwari mununuri wavo

akaita zvinhu zvikuru muIjipiti,

22mabasa anoshamisa munyika yaHamu

uye zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.

23Naizvozvo akati regai ndivaparadze

pasina kuti Mosesi musarudzwi wake,

akatovamiririra pamberi pake

kuti adzore hasha dzake

arege kuvaparadza.

24Vakazvidza nyika yakanaka

vasina chivimbo nezvaakatsidzira.

25Vakanyunyuta mumatendhe avo

havana kuteerera izwi raTENZI.

26Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika

kuti vachatofira murenje imomo

27uye kuti achamwararisa zvizukuru

zvavo mukati mevechirudzi

achivaita rumwe rumwe mudzinyika.

28Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori

vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa.

29Vakavirutsa Mwari nehasha

nezviito zvavo;

denda rakamuka pakati pavo.

30Fineasi ndiye akatozoipindira

nyaya yacho, denda rikabva ramiswa.

31Izvozvo zvakaita kuti

anzi mururami

pachizvarwa nechizvarwa nokusingaperi.

32Vakamushatirisa paya pamvura yokuMeribha

zvikaipira Mosesi nokuda kwavo

33nokuti vakamusvibisa mwoyo

akataura zvisina maturo nomuromo wake.

34Havana kuparadza marudzi avanhu

sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTENZI

35asi vakavhengana namarudzi

vakadzidza kuita zvavanoita.

36Vakanamata zvifananidzo zvavo

zvikava musungo kwavari

37vakaita vana vavo vakomana navasikana

chibayiro kumweya yakaipa.

38Vakadeura ropa risina mhaka

ropa ravanakomana vavo navanasikana vavo

vavakapira kuzvifananidzo zvomuKenani

nyika ikan'oreswa neropa.

39Naizvozvo vakan'oreswa nezviito zvavo;

vakaita unzenza nokuita kwavo.

40Nezvowo TENZI akavirukira vanhu vake nehasha

akavenga nhaka yake.

41Akavaisa mumaoko evechirudzi

zvokuti vaivavenga vakavatonga.

42Vavengi vavo vakavadzvanyirira,

vakapinda uranda pasi pavo.

43Akavanunura kazhinji

asi ivo zvavaironga ndezvokupanduka bedzi,

vakadzikira kwazvo pamusana pouipi hwavo.

44Asi aiona nhamo yavo

paakanzwa kuchema kwavo.

45Akarangarira chitenderano chake navo

achitoitira zvake ivo,

akadzora mwoyo

pamusana pokuwanda kwemwoyochena wake.

46Akaita kuti vanzwirwe tsitsi

navose vakanga vavatapa.

47Tinunureiwo TENZI Mwari wedu

mutikokorodze kumarudzi

kuitira kuti titende zita renyu rinoera

tifare nomukurumbira wenyu.

48TENZI Mwari waIsiraeri ngaarumbidzwe

narini narini

vanhu vose ngavati, “Ameni.”

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help