1Idai ururami imi vatongi vapasi
rangarirai Tenzi muri pachokwadi
mumutsvake nemwoyo wose.
2Nokuti anowanikwa navasingamuedzi
achizviratidza kuna vasingaregi kuvimba naye.
3Chikonzero chacho ndechokuti
pfungwa dzounyengedzi
dzinoparadzanisa vanhu naMwari.
Munhu akada kuedza simba rake
iro simba racho rinokona mapenzi;
4nokuti ungwaru haupindi
mweya womunhu munyengedzi
kana kugara mumuviri womunhu
ari muranda wechitadzo.
5Ndinodaro nokuti
mweya wewakarurama uye
womunhu anozvidzora unotiza unyengedzi.
Unosimuka wosiyana
nepfungwa dzisina maturo
zvisakarurama zvichishaisa mweya zvokuita.
Mwari anonzwa zvatinotaura6Mweya woungawaru ishamwari kuvanhu
asi hauregereri munhu anonyomba Mwari
asina mhosva yezvinenge zvabva pamuromo pake
nokuti Mwari anoona
zviri mukatikati momunhu
uye muongorori chaiye wezviri
mumwoyo womunhu;
anoteererawo zvinobva parurimi rwake.
7Chikonzero chacho ndechokuti
mweya watenzi wakazadza pasi pose;
iye anobata zvinhu zvose mumaoko ake
anoziva zvinotaurwa.
8Naizvozvo hakuna munhu
anotaura zvisina kururama
akashaya kunzwika
uye kana ruenzaniso rwavakuranga
iye haapasari.
9Mazano avasinganamati achaongororwa,
zvaakataura zvichasvitswa pana Tenzi
kuti abatwe nemhosva
yezviito zvake zvisina mutemo
10nokuti nzeve yake inzeve inoteerera
yaane shanje
iyoyo haina kana kazevezeve kanoipesa.
11Naizvozvo siyanai nokunyunyuta kusina maturo,
zvokuva muzvinaguhwa ngazvikubve parurimi
nokuti hapana chinotaurwa pachivande
chisina mubairo wacho
uye muromo unoreva nhema unouraya mweya.
Mwari haafariri kuti munhu afe12Rega kuzvikokera rufu
nezvikanganiso zvoupenyu hwako
kana kuzviparadzisa nezvaunoita
namaoko ako;
13nokuti Mwari haasi iye
akaita kuti pave norufu
uye haafariri kuti mupenyu afe.
14Chaakasikira zvinhu zvose kuti zvivepo.
Zvisikwa zviri pasi pano zvine upenyu kwahwo,
mazviri hamuna chepfu yokuzviparadza.
Nzvimbo yavafi haina simba rokuita panyika pano
15chikonzero chacho ndechokuti
ururami hunogara nokusingaperi.
Mafungiro avasiri vanamati16Vasiri vanamati vanozvikokera
rufu nezviito zvavo uye nezvavanotaura.
Vanotoonda kwazvo nokurufunga
vachifunga kuti ishamwari,
vachitoita zvavo chitsidzirano narwo
nokuti kurufu uku ndiko
kubato ravo ikoko ravanokodzerana navo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.