Rwiyo 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Usiku ndiri pauriri hwangu

pfungwa dzangu dzaiva kumudiwa wangu

ndaingomutsvaka asi handina kumuona,

ndakamudaidza

asi haana kudavira.

2Ndakati regai ndisimuke ndimutsvake muguta

iye wangu wapamwoyo mumigwagwa nemumisika

ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

3Vachengetedzi veguta vakandiona

pavaingunofamba neguta

ndakavati, “Mamboonawo here mudiwa wangu?”

4Ndakangovati pfuurei

ndokubva ndamuwana wandinoda.

Ndakabva ndamuti mbunde

ndisingade kuti aende

kusvikira ndaenda naye

kumba kwaamai vangu,

mumba mewakandibereka wacho.

5Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu

mupike nemhara nemhene dzesango

kuti hamutirimutsi kana kumutsa

havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.

NDIMA YECHITATU

6Ko chiiko icho chiri kubva nokurenje

chakaita seshongwe youtsi

chinonhuwirira serusenzi nemura

netunonhuwira twose twavashambadzi?

7Inga chigaro chaSoromoni wani

akakombwa namakumi matanhatu

emagamba pamagamba okwaIsiraeri.

8Vose vakapakata mapakatwa avo

dziri nyanzvi dzokurwa hondo.

Vose vakanga vakagadzirira kwazvo,

munhu nebakatwa rake parutivi

kuti chauya chauya usiku.

9Mambo Soromoni

akazvigadzirira chigaro

nemiti yokuRebhanoni.

10Mapango acho okumisa

aiva esirivha,

katenga kacho kari kendarama,

chigaro chacho chiri cheruvara rwehute

mukati macho makanga makanyatsogadzirwa

kwazvo navakadzi veJerusaremu.

11Budai vanasikana vemuZioni

muone zvenyu Mambo Soromoni,

mumusoro akaiti dzi ngundu youshe,

ndaza yaakagadzwa nayo naamai vake

pazuva romuchato wake,

pazuva romwoyo wake, zuva rerufaro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help