2 Vakorinde 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ini ndakafunga pachangu kuti handifaniri kukushanyirai zvingaite kuti imi musuwe

2nokuti ndikakurwadzisai ndiani achaita kuti ndifare, kusiya iyeyo mumwecheteyo wandinenge ndasuwisa.

3Kunyora kwandakaita ndakakunyorerai kuti kana ndauya ndirege kurwadziswa navanhu vanofanira kuti vaite kuti ndifare. Ndinonyatsoziva kuti kana ini ndichifara nemiwo mose munofara.

4Ndakakunyorerai ndakasuwa kwazvo ndichirwadziwa mumwoyo uye ndiine misodzi padama, kwete kuti ndikurwadzisei, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinarwo nemi.

Kuregerera munhu anenge akanganisa

5Kana pane akarwadzisa vamwe mwoyo handisini waakarwadzisa. Neimwe nzira, tisingadi zvedu kumuomesera, tingangoti akakurwadzisai mose.

6Kumunhu akadai shamhu yamakamupa imi voruzhinji yakakwana

7zvokuti dai machimuregerera zvenyu muchimunyaradza nokuti angadaro akasvika pakunyanyoodzwa mwoyo nokusuruvara kukuru.

8Saka ndinokukumbirai kuti munyatsomuratidza kuti munomuda.

9Ndokusaka ndakanyora kuti ndione ndingozivawo kuti imi munoteerera here muna zvose.

10Ani zvake wamunoregerera, ndinomuregererawo. Kuregerera ikoko dai kuri kuti pane chandinofanira kuregerera ndakazviita pamusana penyu pamberi paKristu.

11kuti tirege kudyiwa munyati naSatani nokuti tinoziva dzaanotamba.

Kurwadziwa mwoyo kwaPauro

12Pandakasvika kuTiroasi kundoparidza Shoko Rakanaka raKristu, ndakazarurirwa musuo muna Tenzi

13asi ndakanga ndisina zororo mumwoyo nokuti handina kuwana hama yangu Titosi ikoko. Saka ndakavaoneka ndikaenda kuMasedhonia.

Kukunda naKristu

14Mwari ngaatendwe anoita kuti, muna Kristu tikurire nguva dzose uye nematiri anoparadzira kose vose kunhuwirira kwokuzivikanwa kwake.

15Iyesu ndisu kunhuwirira kwaKristu kuna Mwari pakati pavari kuponeswa napakati pavari kuparadzwa.

16Kune vamwewo, munhuwi unouraya, kune vamwewo munhuwi unopa upenyu. Ndiani angakwanisane nazvo izvi?

17Hatina kufanana navamwe vanoita shawo neShoko raMwari, asi tinoita savanhu vakatumwa vanotendeka pamberi paMwari tichitaura muna Kristu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help