Zvakazarurwa 19 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuwa kweBhabhironi, Mufaro kudenga

1Shure kwaizvozvo ndakanzwa izwi guru seravazhinji zhinji kudenga, richiti, “Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu;

2nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.”

3Ipapo vakapamhidza, vachiti, “Hareruya! Hutsi hwayo hunokwira nokusingaperi–peri.”

4Zvino Vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari akanga agere pachigaro choushe, vakati, “Ameni, Hareruya!”

5Izwi rikabva pachigaro choushe, richiti, “Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.”

6Ipapo ndakanzwa sezwi ravazhinji zhinji, sezwi remvura zhinji, sezwi rokutinhira kukuru, richiti, “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu waMasimbaose anobata ushe.

7Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzirira.

8“Akapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, asina tsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.”

9Zvino akati kwandiri, “Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwayana.” Akati kwandiri, “Mashoko awa ndeechokwadi aMwari.”

10Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri, “Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwechete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari,” nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita.

Kristu anokunda chikara nomuporofita wenhema

11Ipapo ndakaona kudenga kwakazarurwa, ndikaona bhiza jena; naiye akanga agere pamusoro paro akanzi: Akatendeka noWechokwadi; anotonga nokurwa zvakarurama.

12Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga pane korona zhinji; wakanga ane zita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.

13Akanga akapfeka nguo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi, “Shoko raMwari.”

14Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhiza machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usina tsvina.

15Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; achaafudza netsvimbo yedare; anotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari waMasimbaose.

16Panguo yake napachidya chake pakanga pakanyorwa zita rinoti, “MAMBO WAMADZIMAMBO NAISHE WAMADZISHE.”

17Zvino ndakaona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nezwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga, “Uyai muungane pachirariro chikuru chaMwari,

18kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezviuru zvamazana, nenyama yavane simba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.”

19Zvino ndakaona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakaungana kuti varwe naiye akanga akatasva bhiza, nehondo dzake.

20Ipapo chikara chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema, akaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesuriferi.

21Vakasara vakaurayiwa nomunondo waiye akanga akatasva bhiza, akabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help