Zvirevo 12 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Anoda kurairirwa, anoda zivo;

Asi anovenga kurairwa ibenzi.

2Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha,

Asi achapa mhosva munhu ana mano akaipa.

3Munhu haangasimbiswi nezvakaipa;

Asi mudzi wowakarurama haungazununguswi.

4Mukadzi anoita zvakanaka, ikorona

yomurume wake;

Asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamapfupa ake.

5Mifungo yowakarurama yakarurama;

Asi mano avakaipa anonyengedzera.

6Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa;

Asi muromo wavakarurama uchavarwira.

7Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo;

Asi imba yavakarurama icharamba imire.

8Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake;

Asi ane mwoyo akatsauka, achazvidzwa.

9Munhu anoninipiswa, ane muranda hake,

Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.

10Akarurama ane hanya noupenyu

hwechipfuwo chake;

Asi tsitsi dzowakaipa ihasha.

11Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji;

Asi anotevera zvisina maturo, anoshaiwa njere.

12Akaipa anopanga zvaangapamba kuna vakashata;

Asi mudzi wavakaipa unobereka zvibereko.

13Pakudarika kwemiromo panomusungo wavakaipa;

Asi akarurama achabuda panhamo.

14Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva

pazvibereko zvomuromo wake;

Uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake.

15Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake;

Asi akachenjera anoteerera kana achirairwa.

16Kutsamwa kwebenzi kunozikanwa pakarepo;

Asi akachenjera anovanza kunyadziswa kwake.

17Munhu anoreva zvokwadi, anoparidza zvakarurama;

Asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera.

18Mumwe ariko anotaura nokusarangarira

zvinobaya somunondo;

Asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.

19Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi;

Asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku.

20Kunyengedzera kuri mumwoyo yavanofunga mano akaipa,

Asi vanorairira zvorugare vano mufaro.

21Akarurama haangatongowirwi nechakaipa;

Asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata.

22Miromo, ine nhema, inonyangadza Jehovha;

Asi vanoita nokutendeka vanomufadza.

23Munhu akachenjera anovanza zivo;

Asi mwoyo yamapenzi inoparidza upenzi.

24Ruoko rwavasina usimbe ruchabata ushe;

Asi vane usimbe vachabatiswa chibharo.

25Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza;

Asi shoko nyoro rinoufadza.

26Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka;

Asi nzira yowakaipa inovarashisa.

27Simbe haibati mhuka yayamutsa,

Asi kusava neusimbe ipfuma yomunhu.

28Panzira yakarurama ndipo pano upenyu;

Kwainoenda hakuna rufu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help