Zvirevo 14 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Mukadzi mumwe nomumwe

akachenjera anovaka imba yake;

Asi benzi rinoiputsa namaoko aro.

2Anofamba nokururama kwake,

anotya Jehovha;

Asi akatsauka panzira dzake, anomudzidza.

3Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi;

Asi miromo yavakachenjera inovachengeta.

4Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro;

Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe.

5Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema;

Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema.

6Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo;

Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere.

7Ibva pamberi pebenzi,

Nokuti haungawani miromo yezivo kwaari.

8Uchenjeri hwomunhu akangwara

ndiko kunzwisisa nzira yake;

Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera.

9Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira;

Asi pakati pavakarurama pano kufarirana.

10Mwoyo mumwe nomumwe unoziva

kutambudzika kwawo;

Mweni haangagoverani nomufaro wawo.

11Imba yowakaipa ichaparadzwa;

Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka.

12Munhu anoona nzira achiti yakarurama;

Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.

13Kunyangwe munhu angaseka hake,

mwoyo ungava neshungu;

Kuguma kwomufaro ndiko kuchema.

14Ano mwoyo, anodzokera shure,

achagutiswa nenzira dzake;

Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari.

15Asina mano anotenda mashoko ose;

Asi akangwara anongwarira mafambiro ake.

16Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga;

Asi benzi rina manyawi, richizvitenda.

17Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi;

Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa.

18Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi;

Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.

19Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka;

Navakaipa pamasuwo avakarurama.

20Murombo anovengwa kunyangwe nowokwake;

Asi shamwari dzavapfumi izhinji.

21Anoshora wokwake, anotadza;

Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro.

22Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here?

Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka.

23Kubata kwose kune batsiro;

Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa.

24Korona yavakachenjera ipfuma yavo;

Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo.

25Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu;

Asi anoreva nhema anonyengedzera.

26Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo;

Vana vowakadai vachava noutiziro.

27Kutya Jehovha itsime roupenyu;

Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.

28Ukuru hwamambo hunoonekwa

pakuwanda kwavanhu;

Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu.

29Ano mwoyo murefu ane njere kwazvo;

Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi.

30Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri;

Asi godo rinoodza mapfupa.

31Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake;

Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza.

32Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake;

Asi akarurama ane tariro pakufa kwake.

33Uchenjeri hunogara pamwoyo weane njere;

Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa.

34Kururama kunokurisa rudzi;

Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi.

35Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera;

Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help