Mateu 18 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mukuru muushe hwedenga nezvigumbuso(Mako 9:33–37, 42–48; Ruka 9:46–48; 17:1–2)

1Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu, vakati, “Ndianiko mukuru muushe hwedenga?”

2Akadanira kwaari mwana muduku, akamuisa pakati pavo,

3akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga.

4Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu muduku, ndiye mukuru muushe hwedenga.

5Ani naani anogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita rangu, anogamuchira ini.

6“Asi ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava, vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.

7“Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe.

8“Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri.

9Kana ziso rako richikugumbusa, uribvise, urirasire kure newe. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu, uneziso rimwe, pakukandwa muGehena romoto, unameso maviri.

10“Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava; nokuti ndinoti kwamuri, kudenga vatumwa vavo vanosiona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga.

Hwai yakarasika(Ruka 15:3–7)

12“Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here?

13“Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika.

14Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare.

Kukanganwirana, muranda akanga asina tsitsi

15“Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.

16Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.

17Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi.

18Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunosunga panyika, zvichasungwa kudenga; nezvose zvamunosunungura panyika, zvichasunungurwa kudenga.

19Ndinoti kwamurizve, kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.

20Nokuti apo pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.”

21Zvino Petirosi akauya akati kwaari, “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndakairegerera? Kusvikira kanomwe here?”

22Jesu akati kwaari, “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.

23Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake.

24Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga ane chikwereti chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari.

25Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwereti chigoripwa

26Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’

27Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamuregerera chikwereti.

28“Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwereti kwaari chamadhinari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwereti changu!’

29Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’

30“Asi iye akaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwereti.

31Zvino vamwe varanda vaishanda pamwechete naye vakati vachiona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundoudza ishe wavo zvose zvakaitwa.

32Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari, ‘Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwereti icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri.

33Ko iwe hausi waifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unoshanda pamwechete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?’

34Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzi, kusvikira achizoripa chikwereti chake chose.”

35Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana asingaregerere mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help