Mapisarema 109 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anokumbira kuti vavengi vake vatukwe asi iye arwirweKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu;

2Nokuti vakandishamisira muromo wowakaipa,

uye muromo unonyengedzera;

Vakandireva norurimi rune nhema.

3Vakandikombawo namashoko embengo,

Vakarwa neni pasina mhosva.

4Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu;

Asi ini ndinonyengetera hangu.

5Vakanditsivira zvakaipa

pane zvakanaka, zvandakavaitira,

Nembengo pakuvada kwangu.

6Isai munhu akaipa ave ishe wake;

Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi.

7Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva;

Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi.

8Mazuva ake ngaave mashoma;

Mumwe ngaatore basa rake.

9Vana vake ngavave nherera,

Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.

10Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi;

Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo.

11Waakadyirwa chikwereti ngaatore zvose zvaanazvo;

Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira.

12Ngakushaikwe munhu anomunzwira ngoni;

Ngakushaikwe munhu ane tsitsi nenherera dzake.

13Vana vake ngavarove;

Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera.

14Zvakaipa zvamadzibaba ake

ngazvirangarirwe naJehovha;

Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa.

15Ngazvirambe zviri pamberi

paJehovha nguva dzose,

Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi.

16Nemhaka yokuti haana kurangarira

kunzwira ngoni,

Asi wakatambudza murombo nomushaiwi,

Neanomwoyo wakaputsika, kuti avauraye.

17Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada,

zvikauyawo kwaari;

Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye.

18Akazvifukidzawo nokutuka,

zvikaita senguo yake,

Zvikapinda mukati make semvura,

Samafuta mumapfupa ake.

19Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho,

Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose.

20Uyu ndiwo mubairo wavadzivisi

vangu, unobva kuna Jehovha,

vanotaurira mweya wangu zvakaipa.

21Asi imi Jehovha Ishe, ndiitirei

zvakanaka nokuda kwezita renyu;

Ngoni dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei.

22Nokuti ndiri murombo nomushaiwi,

Nomwoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.

23Ndaenda somumvuri wareba;

Ndapepereswa semhashu.

24Mabvi angu haachine simba

nokuzvinyima zvokudya;

Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta.

25Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo;

Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo.

26Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu;

Ndiponesei nengoni dzenyu.

27Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu;

Kuti imi Jehovha, ndimi makazviita.

28Ngavatuke havo, asi imi ropafadzai;

Kana vachisimuka, vachanyadziswa,

asi muranda wenyu achafara kwazvo.

29Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa,

Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi.

30Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu;

Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.

31Nokuti iye achamira kuruoko

rworudyi rwomushaiwi,

Kuti amuponese pana vanotonga mweya wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help