1 Madzimambo 9 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha anozviratidzazve kuna Soromoni

1Zvino Soromoni wakati apedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuita,

2Jehovha akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni.

3Jehovha akati kwaari, “Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomwoyo wangu zvichavapo nguva dzose.

4Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomwoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga,

5ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, ‘Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri.’

6Asi kana mukatsauka pakunditevera, imi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari;

7ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona; VaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose;

8uye imba iyi kunyangwe yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?’

9Vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakanga abudisa madzibaba avo munyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha akavapinza panjodzi idzi dzose.’ ”

Maguta akavakwa naSoromoni

10Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo;

11(zvino Hiramu mambo weTaya wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.

12Hiramu akabva Taya kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza.

13Akati, “Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu?” Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi.

14Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri.

15Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazoru, neMegidho, neGezeru.

16Farao mambo weIjipiti wakanga andokunda Gezeru, akaripisa nomoto, akauraya VaKenani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni.

17Soromoni akavaka Gezeru, neBhetihoroni rezasi,

18naBharati, neTadhimoru, murenje munyika iyo,

19namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye.

20Kuvanhu vose vakanga vasara vaVaAmori, naVaHeti, navaPerezi, naVaHivhi naVaJebhusi, vakanga vasi vana VaIsiraeri;

21navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana VaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose, kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.

22Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana VaIsiraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.

23Ndivo vaiva vatariri vakuru vamabasa aSoromoni, vaiva namazana mashanu namakumi mashanu, vairairira vanhu vaibata basa.

24Zvino mukunda waFarao wakabva kuguta raDhavhidhi, akaenda kuimba yake, yaakanga avakirwa naSoromoni; ipapo akavaka Miro.

25Katatu pagore Soromoni waibayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamusoro peatari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwechete nazvo paatari yakanga iri pamberi paJehovha. Naizvozvo akapedza imba.

26Mambo Soromoni wakavakawo zvikepe zvizhinji paEzionigebheri, pedyo neEroti, pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku, panyika yaEdhomu.

27Hiramu akatuma nezvikepe izvo varanda vake, vaiva vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kwazvo, pamwechete navaranda vaSoromoni.

28Vakasvika Ofiri, vakatorapo ndarama yakasvika matarenda ana mazana mana namakumi maviri vakauya nayo kuna mambo Soromoni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help