Mapisarema 46 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mwari hutiziro hweduKumutungamiriri wokuimba; Pisarema ravanakomana vaKora; nomuimbirwo weAramoti. Rwiyo.

1Mwari ndiye utiziro hwedu

nesimba redu,

Ndiye mubatsiri ari pedyo–pedyo

panguva dzokumanikidzwa.

2Saka hatingatyi, kunyangwe nyika ikashanduka,

Uye kunyangwe makomo akabviswa

akaiswa mukati mamakungwa;

3Kunyangwe mvura zhinji yawo

ikatinhira nokumutswa,

Kunyangwe makomo akadedera nokupupuma kwawo.

4Rwizi ruripo, rune hova dzinofadza guta raMwari,

Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri

dzoWokumusorosoro.

5Mwari ari mukati maro; haringazununguswi;

Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.

6Vahedheni vakaita bope, hushe hwakazununguswa;

Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.

7Jehovha wehondo anesu;

Mwari waJakobho inhare yedu.

8Uyai muone mabasa aJehovha,

Zvishamiso zvaakaita panyika.

9Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika;

Anovhuna uta, nokuvhuna–vhuna pfumo;

Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.

10“Nyararai, muzive kuti ndini Mwari;

Ndichava mukuru pakati pavahedheni,

ndichava mukuru panyika.”

11Jehovha wehondo anesu;

Mwari waJakobho inhare yedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help