1Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha: “Tine guta rakasimba; iye achaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso.
2Zarurai masuwo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.
3“Ano mwoyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nokuti anovimba nemi.
4Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.
5Nokuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro; anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.
6Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa.”
7Nzira yavakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yavakarurama.
8Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.
9Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
10Akaipa kunyangwe achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; achaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.
11Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
12Jehovha, imi muchatigadzirira rugare; nokuti makatibatirawo mabasa edu ose.
13Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemi moga.
14Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.
15Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganhu yose yenyika.
16Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.
17Mukadzi ane pamuviri, asvika pedyo pakusununguka, sezvaanorwadziwa achichema pakurwadziwa kwake, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, Jehovha.
18Isu takanga tava nepamuviri, takanga tiri pakurwadziwa, takabereka zvinenge mhepo bedzi; hatina kuvigira nyika sununguro, uye vangagara panyika havana kuzvarwa.
19Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nokuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.
20Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.
21Nokuti tarira, Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurayiwa vayo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.