Isaya 32 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Ushe hwaMambo wakarurama

1Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.

2Munhu mumwe nomumwe achava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.

3Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.

4Mwoyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.

5Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.

6Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa.

7Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyangwe anoshaiwa achitaura zvakanaka.

8Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.

Vakadzi veJerusaremu vanonyeverwa

9Simukai, imi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe izwi rangu; imi vakunda vasina hanya, teererai kutaura kwangu.

10Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasina hanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.

11Dederai, imi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imi vasina hanya; zvifukurei, mubvise nguo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza.

12Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka.

13Panyika yavanhu vangu pachamera minzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.

14Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;

15kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.

16Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.

17Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.

18Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.

19Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.

20Makaropafadzwa imi munokusha pose pane mvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help