Joshua 20 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Maguta matanhatu outiziro

1Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati,

2“Taura navana VaIsiraeri, uti, ‘Muzvitsaurire maguta outiziro, andakakuudzai nomuromo waMosesi;

3kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita maune, atizirepo;’ achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.

4Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuwo reguta, agoreva mhosva yake panzeve dzavakuru veguta iro; ipapo vanofanira kumugamuchira pakati pavo muguta, vamupe pokugara, agogara pakati pavo.

5Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti maune, asina kumuvenga kare.

6Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwoMupristi Mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza.”

7Ipapo vakatsaura Kedheshi muGareriya panyika yamakomo yaNafutari, neShemi, panyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati–abha (ndiro Hebhuroni) panyika yamakomo yaJudha.

8Nemhiri kwaJodhani paJeriko kumabvazuva vakatsaura Bhezeru murenje pabani kurudzi rwaRubheni, neRamoti-giriyadhi kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kurudzi rwaManase.

9Ndiwo maguta akatsaurirwa vana VaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help