1Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
2Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake;
Nokuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.
3Zvizoro zvako zvinonhuwira zvakanaka;
Zita rako rakaita samafuta akadururwa;
Saka mhandara dzinokuda.
4Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya;
Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati;
Tichafara nokukufarira zvikuru iwe;
Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini;
Zvakarurama zvavakakuda.
5Ndakasviba, asi ndakanaka hangu,
Imi vakunda veJerusaremu,
Samatende eKedhari,
Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.
6Musanditarira, zvandakasviba,
Nokuti zuva rakandipisa.
Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira,
Vakandiita murindi weminda yemizambiringa;
Asi munda wangu wemizambiringa
handina kuuchengeta.
7Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu,
Kuti unofudza boka rako kupi,
Kuti unorizorodza kupi masikati;
Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso
Pakati pamapoka eshamwari dzako?
8Kana usingazivi, iwe unopfuura
vakadzi vose nokunaka,
Tevera makwara amapoka,
Ufudze makwayana ako kurutivi
rwamatende avafudzi.
9Ndakakuenzanisa iwe, mudiwa wangu,
Nebhiza pangoro dzaFarao.
10Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi;
Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.
11Tichakuitira zvirukwa zvendarama
Nezvuma zvesirivha.
12Nguva yose mambo agere patafura yake,
Nado yangu yakabudisa kunhuwira kwayo.
13Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura,
Inogara pakati pamazamu angu.
14Mudiwa wangu akaita kwandiri
sesumbu ramaruva ehena,
Paminda yemizambiringa paEngedhi.
15Tarira, akanaka, shamwari yangu;
Tarira, akanaka;
Meso ako akafanana neenjiva.
16Tarira, akanaka, mudiwa wangu,
zvirokwazvo, unofadza;
Uvato hwedu ndipo pabumhudza.
17Matanda eimba yedu ndeemisidhari;
Mbariro dzayo ndedzemipaini.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.