Isaya 65 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kupindura kwaJehovha

1Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, “Tarirai ndini, tarirai ndini.”

2Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isakanaka, vachitevera ndangariro dzavo;

3vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibairo paminda, vachipisa zvinonhuwira pamusoro pezvitinha;

4vanogara pakati pamahwiro, vachivata panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo;

5vanoti, “Mira woga, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.” Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.

6Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu, “Handinganyarari, asi ndicharitsiva, zvirokwazvo ndicharitsiva nokutsiva kuzere,

7zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvamadzibaba enyu pamwechete, vakapisa zvinonhuwira pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichatanga kuvayerera mabasa avo nokuyerera kuzere” ndizvo zvinotaura Jehovha.

8Zvanzi naJehovha, “Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remizambiringa, mumwe akati, ‘Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.’

9“Ndichabudisa rudzi kuna Jakobho, nomudyi wenhaka yamakomo angu kuna Judha; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, navaranda vangu vachagarapo.

10“Bani reSharoni richiva mafuro amakwai, nomupata weAkori nzvimbo pangavata mombe pasi, zvichava zvavanhu vangu vakanditsvaka.

11Asi imi munosiya Jehovha, nokukanganwa gomo rangu dzvene, imi munogadzirira Gadhi tafura, nokudirira Meni waini yakavhenganiswa.

12“Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.”

13Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa;

14tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomwoyo, muchaungudza nokuputsika kwomweya.

15Imi muchasiyira vasanangurwa vangu zita renyu, rive rokutuka naro; Ishe Jehovha achakuuraya, ndokutumidza varanda vake rimwe zita;

16kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti matambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.

17“Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomwoyo.

18“Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusaremu rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.

19“Ndichafarira Jerusaremu, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwiki izwi rokuchema, kana izwi rokuridza mhere.

20Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.

21Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.

22Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vatsanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.

23Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.

24Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachitaura.

25Gava negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help