1Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura,
Akadana pasi pose kubva
pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro.
2Mwari akapenya
Ari paZioni, iro rakanaka–naka kwazvo.
3Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere;
Moto unoparadza pamberi pake,
Dutu guru rinomukomberedza.
4Anodana denga kumusoro,
Napasi, kuti atongere vanhu vake;
5Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri;
Ivo vakaita sungano neni nezvibairo.
6Kudenga–denga kunodudzira kururama kwake;
Nokuti Mwari ndiye mutongi amene.
7“Inzwai vanhu vangu, ndichataura;
Imi Isiraeri, ndichakupupurirai,
Ndini Mwari, iye Mwari wenyu.
8Handingakutukiyi pamusoro pezvibairo zvenyu;
Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi
pangu nguva dzose.
9Handingatori nzombe paimba yako,
Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako.
10Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu,
Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.
11Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo;
Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu.
12Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe;
Nokuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo.
13Ko ndingadya nyama yehando,
Kana kunwa ropa rembudzi here?
14Bairai Mwari zvibairo zvokuvonga;
Uripire Wokumusorosoro mhiko dzako;
15Udane kwandiri pazuva rokutambudzika;
Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.”
16Asi kune akaipa Jehovha anoti,
“Iwe ungadudzira seiko zvandakatema,
Nokureva sungano yangu nomuromo wako?
17Zvaunovenga kurairwa,
Nokurasha mashoko angu shure kwako.
18Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo,
Unoshamwaridzana nemhombwe.
19Unotendera muromo wako kureva zvakaipa,
Rurimi rwako runotaura nhema.
20Unogara uchipomera hama yako;
Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako.
21Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere;
Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose;
Asi ndichakuraira, ndichirongedzera
zvinhu izvi pameso ako.
22Zvino fungai chinhu ichi, imi vokukanganwa Mwari,
Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri,
23Munhu, anobayira chibayiro
chokuvonga, unondikudza;
Uye anogadzira nzira yake zvakanaka
Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.