1 Petirosi 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Vakadzi navarume

1Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyangwe kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambiro wavakadzi vavo pasina shoko rinorehwa,

2kana vachiona mufambiro wenyu, wakachena pamwechete nokutya Mwari.

3Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo;

4asi ngakuve munhu akavanzikawo mwoyo, akashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.

5Nokuti saizvozvowo kare vakadzi vatsvene, vaitarira kuna Mwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo,

6saSara waiteerera Abhurahamu, achimuti, “Ishe,” mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa.

7Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwechete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.

Rudo nokutsungirira pakutambudzika

8Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise;

9musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.

10Nokuti,

“Uyo, anoda upenyu,

Nokuona mazuva akanaka,

Ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa,

Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera.

11Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka;

Ngaatsvake rugare, arutevere.

12Nokuti meso aIshe ari pamusoro pavakarurama,

Nenzeve dzake pakukumbira kwavo.

Asi chiso chaIshe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.”

13Ndianiko achakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?

14Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa.

15Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe anokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya;

16ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambiro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe.

17Nokuti zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka, pakuti kana muchiita zvakaipa.

18Nokuti naKristu akatambudzikawo kamwechete pamusoro pezvivi, iye akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; akaurayiwa hake panyama, asi akararamiswa mumweya;

19mauri akandoparidzirawo mweya iri mukusungwa,

20yakanga isina kuteerera kare, panguva iya mwoyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNowa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.

21Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu;

22iye ari kurudyi rwaMwari; akapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help