Mapisarema 91 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufaro womunhu anochengetwa naJehovha

1Uyo agere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro

Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose.

2Ndichati pamusoro paJehovha,

“Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,

Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3Nokuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri,

Napachirwere chinouraya zvikuru.

4Iye achakufukidza nemhinenga yake,

Uchatizira pasi pamapapiro ake;

Zvokwadi yake inhoo huru neduku.

5Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku,

Kana museve unofurwa masikati;

6Kana chirwere chinofamba murima,

Kana kuparadza kunouraya masikati.

7Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana,

Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi;

Asi hazvingaswederi kwauri.

8Uchangozvitarira hako nameso ako,

Ukaona mubairo wavakaipa.

9Nokuti imi Jehovha, muri utiziro hwangu!

Iwe wakaita Wokumusorosoro ugaro hwako.

10Hapana chakaipa chingakuwira,

Uye hapana chirwere chichaswedera patende rako.

11Nokuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako,

Kuti vakuchengete panzira dzako dzose.

12Vachakusimudza pamaoko avo,

Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.

13Uchatsika pamusoro peshumba nechiva;

Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi.

14“Zvaakandida, ndichamurwira;

Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.

15Iye achadana kwandiri, ndichamupindura;

Ini ndichava naye pakutambudzika;

Ndichamurwira, nokumukudza.

16Ndichamugutsa noupenyu hurefu,

Nokumuratidza ruponeso rwangu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help