1 Madzimambo 6 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuvakwa kwetemberi

1Zvino pagore ramazana mana namakumi masere shure kwokubuda kwavana VaIsiraeri panyika yeIjipiti, pagore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pakati paIsiraeri, nomwedzi weZifi, ndiwo mwedzi wechipiri, waakatanga kuvaka imba yaJehovha.

2Imba yakavakirwa Jehovha namambo Soromoni yakasvika makubhiti makumi matanhatu pakureba kwayo, namakubhiti makumi maviri paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo;

3uye biravira pamberi petemberi yeimba yaJehovha rakasvika makubhiti makumi maviri pakureba kwaro, zvichienzana noupamhi hweimba; upamhi hwaro hwakasvika makubhiti ane gumi pamberi peimba.

4Akaitirawo imba mahwindo ezvitanda zvakachinjikwa.

5Akavaka dzimba dzakaturikidzana pachidziro cheimba kunhivi dzose, pamadziro eimba kunhivi dzose, dzetemberi napaitaura Jehovha; akaitawo makamuri panhivi dzose dzakapoteredza;

6upamhi hwemba yapanyasi hwaiva namakubhiti mashanu, noupamhi hwemba yapakati makubhiti matanhatu, noupamhi hwemba yechitatu makubhiti manomwe; nokuti nechokunze wakavaka zvitukuriso pamadziro eimba kunhivi dzose, kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro eimba.

7Zvino imba pakuvakwa kwayo, yakavakwa namabwe akanga agadzirwa ipapo pavaiputsa; pakuvakwa kwayo hakuna kunzwika mukati meimba nyundo, kana sanhu, kana nhumbi ipi neipi yedare.

8Mukova wamakamuri apanyasi enhivi wakanga uri kurutivi rworudyi rwemba; zvino vaikwira nezvikwiriso zvinomonereka kumakamuri apakati, uye kana vobva pana apakati vachienda kune echitatu.

9Naizvozvo akavaka imba, akaipedza; ndokufukidza imba namatanda uye namapuranga emisidhari.

10Akavaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imwe neimwe yakanga yakaita makubhiti mashanu pakukwira kwayo, dzikabatanidzwa paimba namatanda emisidhari.

11Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni, richiti,

12“Kana iri imba iyi yaunovaka, kana ukafamba nemitemo yangu, ukaita zvandakatonga, ukachengeta mirairo yangu yose ukafamba nayo, ini ndichasimbisa shoko rangu newe, iro randakataura kuna Dhavhidhi baba vako.

13“Ndichagara pakati pavana VaIsiraeri, handingarashi vanhu vangu VaIsiraeri.”

14Naizvozvo Soromoni akavaka imba, akaipedza.

15Akavaka madziro eimba mukati namapuranga omusidhari; kubva paguva reimba kusvikira padenga ramadziro, akafukidza nechomukati namapuranga; akafukidza uriri hwemba namapuranga omusipiresi.

16Akavakawo necheshure kwemba imwe imba yakasvika makubhiti ana makumi maviri namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira pamusoro pamadziro; akaivaka iyo pave pangataura Jehovha, iri nzvimbo tsvenetsvene.

17Zvino imba, iyo temberi, yakanga iri pamberi, yakasvika makubhiti makumi mana.

18Matanda omusidhari mukati meimba akanga akavezwa namafundo namaruva akazaruka; yaiva misidhari yoga, kwanga kusinebwe rakaonekwa.

19Akagadzira pangataura Jehovha mukati meimba, kuti agadzikepo areka yesungano yaJehovha.

20Pangataura Jehovha mukati pakasvika makubhiti makumi maviri paupamhi hwapo, namakubhiti makumi maviri pakukwirira kwapo; akazvifukidza zvose nendarama yakaisvonaka; neatari akaifukidza nomusidhari.

21Naizvozvo Soromoni wakafukidza imba yose nechomukati mayo nendarama yakaisvonaka; akachinjikisa maketani endarama pamberi pangataura Jehovha, akaifukidza nendarama.

22Akafukidza imba yose nendarama kusvikira imba yose yapera; akafukidzawo atari yose yaiva yapangataura Jehovha nendarama.

23Akaitira pangataura Jehovha makerubhi maviri omuorivhi, rimwe nerimwe rakasvika makubhiti ane gumi pakureba.

24Bapiro rimwe rekerubhi rakasvika makubhiti mashanu pakureba kwaro, nerimwe bapirowo rekerubhi makubhiti mashanu; kubva pamuromo webapiro rimwe kusvikira pamuromo werimwezve, aiva makubhiti ane gumi.

25Rimwe kerubhi rakasvikawo makubhiti ane gumi; makerubhi ose maviri akanga akaenzana pakukura nokuumbwa.

26Rimwe kerubhi rakasvika makubhiti ane gumi, uye ndizvo zvakanga zvakaita rimwewo.

27Akagadza makerubhi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzwa, bapiro rimwe rekerubhi rimwe rakasvika kumadziro mamwe, uye bapiro rimwe rekerubhi rimwezve rakasvika kuna mamwe madziro; mapapiro awo akagunzvana pakati peimba.

28Akafukidza makerubhi nendarama.

29Akaveza pamadziro ose eimba kunhivi dzose mifananidzo yakavezwa yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, mukati nokunze;

30akafukidzawo guva reimba nendarama, mukati nokunze.

31Akaitira mikova yapangataura Jehovha magonhi omuorivhi; chivhivho chapamusoro namagwatidziro zvakaita makona mashanu.

32Naizvozvo akaita magonhi maviri omuorivhi, akaveza pamusoro pawo mifananidzo yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, akaafukidza nendarama; akaisa ndarama pamusoro pamakerubhi napamichindwe.

33Saizvozvowo akaitira mikova yetemberi zvivhivho zvemiorivhi, zvakanga zvine nhivi ina dzakaenzana;

34namagonhi maviri omusipiresi; mapenga maviri egonhi rimwe aipetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhizve aipetwa.

35Akavezerapo makerubhi nemichindwe namaruva akazaruka; akazvifukidza nendarama, yakanatsoiswa pamusoro pezvakavezwa.

36Akavaka ruvazhe rwomukati nemitsara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara wamatanda omusidhari.

37Nheyo dzeimba yaJehovha dzakavambwa negore rechina raSoromoni, nomwedzi weZivi.

38Negore regumi nerimwe, nomwedzi weBuri, ndiwo mwedzi worusere, imba ikapera chose nezvose zvayo, sezvayaifanira kuvakwa. Naizvozvo wakapedza makore manomwe pakuivaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help