Dhanieri 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Shamwari nhatu dzaDhanieri dzinoramba kunamata chifananidzo chaNebhukadhineza, ndokuiswa muvira romoto

1Zvino mambo Nebhukadhineza akaita chifananidzo chendarama; chakanga chakaita mamita makumi matanhatu pakureba, namamita matanhatu paupamhi; akachimisa pabani reDhura munyika yaBhabhironi.

2Ipapo mambo Nebhukadhineza akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirairo navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhineza.

3Ipapo machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirairo navabati vose vamativi enyika vakaungana kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhineza; vakamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhineza.

4Zvino mudanidziri akadanidzira achiti, “Munorayirwa imi vanhu, namarudzi, namarimi,

5kuti nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhineza;

6ani naani asingawiri pasi achinamata, nenguva iyo achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.”

7Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza.

8Zvino nenguva iyo vamwe vaKaradhia vakaswedera vakapomera vaJudha.

9Vakapindura, vakati kuna mambo Nebhukadhineza, “Imi mambo, raramai nokusingaperi.

10Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama;

11asi ani naani asingawiri pasi achinamata, achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.

12Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; varume ava havana hanya nemi, imi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.”

13Ipapo Nebhukadhineza akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo.

14Nebhukadhineza akapindura, akati kwavari, “Ichokwadi here, imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?

15Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchinamata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?”

16Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, “Imi Nebhukadhineza, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri.

17Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo.

18Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”

19Ipapo Nebhukadhineza akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.

20Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo.

21Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.

22Zvino murairo wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego.

23Varume ava vatatu, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.

24Ipapo mambo Nebhukadhineza akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.”

25Iye akapindura, akati, “Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita somwanakomana wamwari.”

26Ipapo Nebhukadhineza akaswedera kumuromo wevira romoto wakanga uchipfuta kwazvo, akataura, akati, “Nhai imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro–soro, budai muuye pano.” Ipapo Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda mukati memoto.

27Zvino machinda navarayiri namadzishe namakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto wakanga washaiwa simba pamiviri yavo, kunyangwe nevhudzi remisoro yavo rakanga risina kubviswa, namajasi avo akanga asina kubvuraudzwa; kunyangwe nomunhuwi womoto wakanga usina kusvika kwavari.

28Nebhukadhineza akataura akati, “Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo.

29“Naizvozvo ndinotema chirevo, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vatemwe–temwe, nedzimba dzavo dziitwe muturunhuru; nokuti hakuna mumwe mwari anogona kurwira saizvozvo.”

30Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego panyika yeBhabhironi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help