1Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyangwe ari ishe wazvose;
2asi ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa.
3Saizvozvo nesuwo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika;
4zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurairo,
5kuti adzikinure vari pasi pomurairo, kuti tipiwe umwana hwedu.
6Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Abha, Baba!”
7Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana, kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka naMwari.
8Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi;
9asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo?
10Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.
11Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabata basa kwamuri pasina.
12Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama;
13zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Vhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama;
14nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muedzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu.
15Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo.
16Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuudzai chokwadi here?
17Vanokushingairirai nomutoo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire.
18Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi.
19Vana vangu vaduku, vandinotamburirazve kubereka, kusvikira Kristu aumbwa mukati menyu.
20Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure izwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu.
Sungano mbiri21Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurairo, hamuteereri murairo here?
22Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu akanga ana vanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi akasununguka.
23Zvino womurandakadzi akaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi akasununguka akaberekwa sezvaakapikirwa.
24Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai, inobereka vana vouranda ndiye Agari;
25zvino Agari ndiro gomo reSinai muArabhia, rakaenzana neJerusaremu razvino; nokuti uri muuranda iye navana vake.
26Zvino Jerusaremu riri kumusoro rakasununguka, ndivo mai vedu;
27nokuti kwakanyorwa, kuchinzi,
“Fara, iwe usingabereki, usingazvari,
Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka,
Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji
kuno waiye ano murume.”
28Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka.
29Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza akaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarowo nazvino.
30Asi Rugwaro runotiiko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wowakasununguka.”
31Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.