1Zvino wakandiisa kutemberi, akayera mbiru, zvikaita mamita matanhatu paupamhi kurutivi rumwe, namamita matanhatu paupamhi kuno rumwe rutivi, ndihwo upamhi hwetabhenakeri.
2Upamhi hwomukova hwakaita mamita ane gumi; mativi omukova akaita mamita mashanu kurutivi rumwe, namamita mashanu kuno rumwe rutivi; akayera kureba kwazvo, zvikaita mamita makumi mana, noupamhi mamita makumi maviri.
3Zvino akapinda mukati, akayera mbiru imwe neimwe yomukova, zvikaita mamita maviri, nomukova mamita matanhatu, noupamhi hwomukova mamita manomwe.
4Akayera kureba kwawo zvikaita mamita makumi maviri, nohupamhi, mamita makumi maviri pamberi petemberi; akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo tsvene–tsvene.”
5Ipapo akayera madziro eimba, zvikaita mamita matanhatu, uye hupamhi hwekamuri rimwe nerimwe rokumativi, zvikaita mamita mana, zvichipoteredza imba kumativi ose.
6Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runa makumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba.
7Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredzwa kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati.
8Ndakaonawo kuti paimba pakanga pana pamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemukamuti okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro.
9Ukobvu hwechidziro chamakamuri okumativi nechokunze, hwakaita mamita mashanu; saizvozvowo nzvimbo, yakasiyiwa, yaiva yamakamuri okumativi eimba.
10Pakati pamakamuri paiva nenzvimbo yakaita mamita ana makumi maviri yaipoteredza imba kumativi ose.
11Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi hwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose.
12Imba yakanga iri pamberi penzvimbo, yaiva yoga kurutivi rwamavirazuva, yakaita mamita makumi manomwe paupamhi hwayo; chidziro cheimba kumativi ose chakaita mamita mashanu paukobvu, namamita makumi mapfumbamwe pakureba.
13Saizvozvo akayera imba, ikaita mamita ane zana pakureba; uye nzvimbo yaiva yoga, neimba namadziro ayo, zvikaita mamita ane zana pakureba;
14uye hupamhi hweimba nechemberi kwayo, nokwenzvimbo yaiva yoga kurutivi rwamabvazuva, zvikaita mamita ane zana.
15Zvino akayera kureba kweimba pamberi penzvimbo yaiva yoga, yakanga iri shure kwayo, namabiravira ayo kuno rutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, zvikaita mamita ane zana; uye temberi yomukati, namabiravira oruvanze;
16nezvikumbaridzo, namahwindo akanga akapfigwa, namabiravira akapoteredza makamuri matatu akaturikidzwa, akatarisana nechikumbaridzo, akanga akaroverwa matanda kumativi ose, kubva pasi kusvikira kumahwindo, asi mahwindo akanga akafukidzwa,
17kusvikira kumusoro kwomukova, kusvikira kuimba yomukati nokunze, nokuchidziro chose kumativi ose mukati nokunze, nezviyero zvazvo.
18Zvakanga zvakaitwa zvina makerubhi nemichindwe; kwakanga kuno muchindwe pakati pekerubhi rimwe nerimwe, uye kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri;
19naizvozvo kwakanga kune chiso chomunhu chakatarira kumuchindwe kurutivi rumwe, nechiso cheshumba duku chakatarira kumuchindwe kuno rumwe rutivi; ndizvo zvazvakanga zvakaitwa paimba yose kumativi ose;
20kubva pasi kusvikira kumusoro kwomukova kwakanga kuna makerubhi nemichindwe; saizvozvowo pachidziro chetemberi.
21Kana iri temberi, mbiru dzemikova dzakanga dzina mativi mana akaenzana; kana iri nzvimbo tsvene pamberi payo yakanga yakafanana netemberi.
22Aritari yakanga yakavezwa namatanda, yakasvika mamita matatu pakukwirira kwayo, nokureba kwayo mamita maviri; makona ayo, nokureba kwayo, namadziro ayo, zvakanga zvakavezwa namatanda; akati kwandiri, “Iri ndiro tafura riri pamberi paJehovha.”
23Temberi nenzvimbo tsvene zvakanga zvine mikova miviri.
24Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa maviri aitendereka; masasa maviri pamukova mumwe, uye masasa maviri pane mumwe.
25Paari, ipo pamasasa etemberi, pakanga pakavezwa makerubhi nemichindwe, zvakafanana nezvakaitwa pamadziro; pakanga pane chikumbaridzo chamatanda nechapamberi pebiravira nechokunze.
26Kwakanga kuna mahwindo akapfigwa nemichindwe kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, kumativi ebiravira; ndizvo zvakanga zvakaita makamuri okumativi eimba nezvikumbaridzo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.