VaRoma 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Makomborero anobva pakururamiswa

1Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naIshe wedu, Jesu Kristu;

2watakawana naye mapindiro nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari.

3Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumatambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira;

4kutsungirira kunouyisa kuedzwa; kuedzwa kunouyisa tariro;

5tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa.

6Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari.

7Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka.

8Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi.

9Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.

10Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa noupenyu hwake;

11zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuruwo muna Mwari naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa.

Adhamu naKristu vanofananidzwa

12Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza;

13nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusina murairo.

14Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mosesi, kunyangwe napakatiwo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhamu, waiva mufananidzo waakanga achizouya.

15Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.

16Uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe akatadza; nokuti kutonga kwakauya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakauya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.

17Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.

18Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo.

19Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera kwomumwe.

20Murairo wakapindawo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuurisa;

21kuti zvivi sezvazvakabata ushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate ushe nokururama, zviise kuupenyu husingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help