Mapisarema 88 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuchema kwomunhu ari panjodzi huru–huruRwiyo, Pisarema ravanakomana vaKora; kumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weMaharati Reanoti. Rwiyo rweMashiri rwaHemani muEzirahi.

1Jehovha, Mwari muponesi wangu,

Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu;

2Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu;

Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu;

3Nokuti mweya wangu uzere namatambudziko,

Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori.

4Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba;

Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri;

5Ndakarashirwa pakati pavakafa,

Savakaurayiwa vavete muhwiro,

Vamusati mucharangarira;

Vakagurwa paruoko rwenyu.

6Makandiisa mugomba rakadzika–dzika,

Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo.

7Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu,

Makanditambudza na mafungu enyu ose.

8Makaisa vazikani vangu kure neni;

Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari;

Ndakapfigirwa, handigoni kubuda.

9Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika;

Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe,

Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri.

10Mungaitira vakafa zvinoshamisa here?

Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here?

11Hunyoro hwenyu hungaparidzwa muhwiro here?

Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?

12Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here?

Nokururama kwenyu panyika yokukanganwa here?

13Asi ndakachema kwamuri, Jehovha,

Munyengetero wangu uchasvika

pamberi penyu mangwanani.

14Jehovha, munorashireiko mweya wangu?

Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri?

15Kubva pauduku hwangu ndakanga

ndichitambudzwa ndichirwisofa;

Kana ndichityiswa nemi ndinoshaiwa mano.

16Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura

napamusoro pangu;

Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.

17Zvakandikomberedza zuva rose semvura;

Zvakandipoteredza pamwechete.

18Iye, anondida, neshamwari yangu,

makavaisa kure neni,

Nomuzikani wangu ari murima.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help