Zvirevo 11 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Chiyero chinonyengedzera chinonyangadza

kuna Jehovha;

Asi kurema kwakakwana kunomufadza.

2Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo;

Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.

3Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira;

Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchaparadza.

4Pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa;

Asi kururama kunorwira parufu.

5Kururama kwowakakwana kucharuramisa nzira yake;

Asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake.

6Kururama kwavakarurama kuchavarwira;

Asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo.

7Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa;

Tariro yavakashata inoparadzwa.

8Wakarurama anorwirwa pakutambudzika;

Wakaipa anopinda pachigaro chake.

9Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake;

Asi wakarurama acharwirwa nezivo.

10Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka,

guta rinofara kwazvo;

Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa.

11Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa;

Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.

12Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri;

Asi munhu ane njere anoramba anyerere.

13Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda;

Asi ano mwoyo wakatendeka, anofukidza mhaka.

14Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera;

Asi pavarairiri vazhinji ndipo pano ruponeso.

15Wakazviita rubatso pamusoro pomutorwa,

achaona nhamo nokuda kwazvo;

Asi anovenga kuzviita rubatso,

ndiye wakasimba.

16Mukadzi muuya anokudzwa;

Vakasimba vanochengeta pfuma dzavo.

17Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka;

Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.

18Wakaipa anopiwa mubairo wokunyengedzera;

Asi anokusha kururama achawana mubairo wazvokwadi.

19Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu;

Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake.

20Vane mwoyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha;

Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza.

21Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurohwa;

Asi vana vavakarurama vacharwirwa.

22Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve,

Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka

kumeso asina kungwara.

23Zvinodikanwa navakarurama zvakanaka bedzi;

Asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa.

24Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa;

Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa,

asi zvinongomushaisa.

25Chipavurire achakodzwa;

Uye anodiridza achadiridzwawo.

26Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka;

Asi mikomborero ichava pamusoro woanozvitengesa.

27Anoshingairira zvinhu zvakanaka, anotsvaka zvinofadza;

Asi anotsvaka zvakashata, achasvikirwawo nazvo.

28Anovimba nepfuma yake, achawa;

Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.

29Anotambudza imba yake, achagara nhaka yemhepo;

Benzi richava muranda woano mwoyo wakachenjera.

30Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu;

Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera.

31Tarirai, wakarurama achapiwa mubairo panyika;

Ndoda wakaipa nomutadzi!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help