1 Madzimambo 18 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Eria navaporofita vaBhaari pagomo reKarimeri

1Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eriya negore rechitatu, richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.”

2Ipapo Eria akandozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo paSamaria.

3Ahabhi akadana Obhadhia, iye wakanga ari mutariri weimba yake. (Zvino Obhadhiya wakanga achitya Jehovha kwazvo;

4nokuti nenguva iyo Jezebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhiya wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)

5Zvino Ahabhi akati kuna Obhadhiya, “Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhova dzose; zvimwe tingawana bundo, tiraramise mabhiza namahesera, tirege kurashikirwa nezvipfuwo zvose.”

6Naizvozvo vakagovana nyika, kuti vafambe nayo; Ahabhi akaenda ari oga kuno rumwe rutivi, Obhadhiya akaendawo ari oga kuno rumwe rutivi.

7Zvino Obhadhiya wakati ari panzira, Eriya akasangana naye; akamuziva, akawira pasi nechiso chake, akati, “Ndimi here, ishe wangu Eriya?”

8Iye akamupindura, akati, “Ndini; enda unoudza ishe wako, uti, ‘Tarirai, Eriya ari pano.’ ”

9Iye akati, “Ndatadzeiko, zvamoda kuisa muranda wenyu mumaoko aAhabhi, andiuraye?

10NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, ‘Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.’

11Zvino moti, ‘Enda undoudza ishe wako,’ uti, ‘Eriya ari pano.’

12Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.

13Ishe wangu hamuna kuudzwa here zvandakaita panguva iya Jezebheri yaakauraya nayo vaporofita vaJehovha kuti ndakavanza vaporofita vaJehovha, vane zana, makumi mashanu namakumi mashanu mubako, ndikavapa zvingwa nemvura?

14Zvino moti, ‘Chindoudza ishe wako,’ uti, ‘Eriya ari pano.’ ” Iye uchandiuraya.

15Eriya akati, “NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo.”

16Naizvozvo Obhadhia akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEriya.

17Zvino Ahabhi wakati achiona Eriya, Ahabhi akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?”

18Iye akati, “Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari.

19Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze VaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri.”

20Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana VaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri.

21Zvino Eriya akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.

22Ipapo Eriya akati kuvanhu, “Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.”

23Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo.

24Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, “Zvarehwa zvakanaka.”

25Ipapo Eria akati kuvaporofita vaBhaari, “Chizvitsaurirai nzombe imwe, mutange kuigadzira, nokuti muri vazhinji; mudane zita ramwari wenyu, asi murege kuisa moto pasi payo.”

26Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, “Bhaari, tinzwei!” Asi kwakanga kusine zwi kana unopindura. Vakapoteredza atari yakanga yavakwa vachipembera.

27Zvino panguva yamasikati makuru Eriya akavaseka, akati, “Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.”

28Ipapo vakadanidzira kwazvo, vakazvicheka netsika dzavo neminondo namapfumo, kusvikira ropa richidzutuka kwavari.

29Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina zwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera.

30Ipapo Eriya akati kuvanhu vose, “Swederai kwandiri;” vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira atari yaJehovha yakanga yaputswa.

31Eriya akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho, iye, wakanga audzwa naJehovha, zvichinzi, “Zita rako richanzi Isiraeri.”

32Akavaka atari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba atari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo.

33Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, “Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni.”

34Akati, “Itai izvozvo rwechipiri,” vakazviita rwechipiri. Akati, “Itai izvozvo rwechitatu;” vakazviita rwechitatu.

35Mvura ikayerera, ikapoteredza atari; akazadza negorongawo nemvura.

36Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eriya akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari pakati paIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.

37Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.”

38Ipapo moto waJehovha akaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.

39Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!”

40Eriya akati kwavari, “Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyangwe nomumwe wavo.” Vakavabata. Eriya akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.

41Eriya akati kuna Ahabhi, “Chirongedzai, mudye, munwe, nokuti kuno kuunga kwemvura zhinji.”

42Naizvozvo Ahabhi akarongedza kundodya nokunwa. Eriya akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akagwadamira pasi, akaisa chiso chake pakati pamabvi ake;

43akati kumuranda wake, “Chikwira zvino, utarire kurutivi rwegungwa.” Akakwira akatarira, akati, “Hakuna chinhu.” Akati, “Endazve, kanomwe.”

44Zvino panguva yechinomwe akati, “Tarirai, kune gore duku, rinokwira richibva mugungwa, rakafanana nechanza chomunhu.” Akati, “Enda, undoti kuna Ahabhi, ‘Sungai ngoro yenyu, muburuke, kuti murege kudzivirirwa nemvura.’ ”

45Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya. Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereri.

46Ruoko rwaJehovha rukasimbisa Eriya; akazvisunga chiuno chake, akamhanya pamberi paAhabhi kusvikira pasuwo reJezereri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help