Isaya 45 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Koreshi anotumwa naJehovha kurwira vanhu vake

1Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuwo pamberi pake, namasuwo arege kuzarirwa.

2“Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa–putsa misuwo yendarira, nokugura–gura mipfigo yendarama;

3ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsiraeri, anokudana nezita rako.

4Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyangwe wakanga usingandizivi.

5Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyangwe asina kundiziva;

6kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe.

7Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.

8“Iwe denga rose, donhedza zvichibva kumusoro, makore ngaadurure kururama; nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, ibereke kururama pamwechete; ini Jehovha ndakazvisika.

9“Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko munyakwe ungati kuno anouumba, ‘Unoiteiko?’ Kana basa rako ringati, ‘Haana maoko, here?’

10Ane nhamo anoti kuna baba, ‘Unoberekeiko?’ Kana kumukadzi, ‘Unozvareiko?’ ”

11Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsiraeri, noMuiti wavo, “Ndibvunzei pamusoro pezvichazoitwa; pamusoro pavanakomana vangu, napamusoro pebasa ramaoko angu, mundirayire.

12Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatanura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.

13Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubairo,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

14Zvanzi naJehovha, “Zvakabatirwa neIjipiti, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhea, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.’ ”

15Zvirokwazvo, muri Mwari anovanda, imi Mwari waIsiraeri, Muponesi.

16Ivo vose vachanyadziswa vave nenyadzi; vaiti vezvifananidzo vachanyadziswa pamwechete.

17Asi VaIsiraeri vachaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamunganyadziswi kana kuva nenyadzi kusvikira panguva dzisingaperi.

18Nokuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, “Ndini Jehovha, hakuna mumwe.

19Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yenyika yerima; handina kuti kurudzi rwaJakobho, ‘Nditsvakei pasina,’ ini Jehovha, ndinotaura zvakarurama, ndinoparidza zvechokwadi.

20“Unganai, muuye; swederai pamwechete, imi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri mifananidzo yavo yakavezwa havana ruzivo, ivo vanonyengetera mwari asingagoni kuponesa.

21Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, ‘Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare–kare? Ndiani akazviparidza pakutanga?’ Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu.

22Tarirai kwandiri muponeswe, imi mativi ose enyika; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe.

23Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama, haringadzoki, kuti mabvi ose achandipfugamira, marimi ose achapika neni.

24Zvanzi pamusoro pangu, ‘Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi; vanhu vachauya kwaari, vose vakanga vamutsamwira vachanyadziswa.

25Rudzi rwose rwaIsiraeri rucharuramisirwa muna Jehovha, nokuzvirumbidza maari.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help