1Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
2Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kune wekwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kune wekwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.”
3Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi paVaIjipiti. Naiye munhu uyu Mosesi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.
4Zvino Mosesi akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti;
5matangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vematangwe ezvipfuwo.
6Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungavipozve.’
7Asi pakati pavana VaIsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati paVaIjipiti naVaIsiraeri.
8Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, ‘Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda.’ ” Akabuda pamberi paFarao, akatsamwa kwazvo.
9Jehovha akati kuna Mosesi, “Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.”
10Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana VaIsiraeri kubva munyika yake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.