1Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti,
2“Zvanzi naJehovha, ‘Ani naani unorambira muguta rino uchaurayiwa nomunondo, nenzara, uye nechirwere chakaipa, asi anobuda akaenda kuvaKaradhia uchararama, upenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.’ ”
3“Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.’ ”
4Ipapo machinda akati kuna mambo, “Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.”
5Mambo Zedhekiya ndokuti, “Tarirai, uri pamaoko enyu, nokuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi.”
6Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope.
7Zvino muItiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuwo raBhenjamini).
8Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti,
9“Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta.”
10Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, “Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.”
11Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chepfuma, akatorapo mamvemve nenguo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
12MuItiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, “Zvino chiisai mamvemve awa nenguo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi mamabote.” Jeremiya akaita saizvozvo.
13Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
14Ipapo mambo Zedhekiya akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, “Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.”
15Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekiya, “Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditereri.”
16Naizvozvo mambo Zedhekiya wakapikira Jeremiya chinyerere, akati, “NaJehovha mupenyu, wakatipa upenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.”
17Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekiya, “Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.’
18Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhia, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo.”
19Ipapo mambo Zedhekiya akati kuna Jeremiya, “Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhia, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.”
20Asi Jeremiya wakati, “Havangakusiyi kwavari. Chiteererai henyu izwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
21Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha,
22‘Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi;’ zvino vakadzi avo vachati, ‘Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai; zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.’
23Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhia; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto.”
24Ipapo Zedhekiya akati kuna Jeremiya, “Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi.
25“Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, ‘Chitizivisa zvino zvawaudza mambo; usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.’
26“Ipapo uti kwavari, ‘Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.’ ”
27Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa.
28Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.