Jeremiya 31 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1“Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu.

2Zvanzi naJehovha, ‘Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo VaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.’

3Jehovha akazviratidza kwandiri ari kure, akati, ‘Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro.

4Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzwazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara.

5Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.’

6Nokuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, ‘Simukai imi, tikwire Zioni kuna Jehovha Mwari wedu.’ ”

7Nokuti zvanzi naJehovha, “Imbirai Jakobho nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, ‘Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara VaIsiraeri.’

8Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, navanokamhina, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.

9Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nokuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu.”

10Inzwai shoko raJehovha, imi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, “Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.

11Nokuti Jehovha akadzikinura Jakobho, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba.

12Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZioni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve.

13Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.

14“Ndichagutisa mweya yavapristi namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha.”

15Zvanzi naJehovha, “Izwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Racheri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.

16Zvanzi naJehovha, ‘Dzora izwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa mubairo, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo.

17Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganhu yavo.’

18Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, ‘Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nokuti imi muri Jehovha Mwari wangu.’

19Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kwohuduku hwangu.

20Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo mwoyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.

21“Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvani; rerekerai mwoyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa.

22Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? Nokuti Jehovha akasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume.”

23Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, “Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.’

24“Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo.

25Nokuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa.

26Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira.

27“Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anouya, andichadyara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuo.

28Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.’

29Namazuva awo havangazoti, ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.’

30Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake acharwadzira.”

31“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha.

32Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyangwe ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.

33Asi heyi sungano yandichaita neimba yaIsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Ndichaisa murairo wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.’

34Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.’

35Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyenyedzi zvive chiedza usiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake.

36Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana VaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.

37Zvanzi naJehovha, ‘Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose VaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’

38“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuwo rekona.

39Uye tambo yokuyera nayo ichapfuura ichiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa.

40Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuwo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help