1 Samueri 6 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Areka inodzoswa kuva Isiraeri

1Zvino areka yaJehovha yakagara munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe.

2VaFirisitia vakadana vapristi navavuki, vakati, “Tichaita seiko neareka yaJehovha? Tizivisei mutowo watingaidzosera nawo kunzvimbo yayo.”

3Vakati, “Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.”

4Zvino vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko?” Vakati, “Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imi mose namadzishe enyu.

5Naizvozvo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mwari waIsiraeri; zvimwe ucharerutsa ruoko rwake pamusoro penyu, napamusoro pavamwari venyu, napamusoro penyika yenyu.

6Muchawomesereiko mwoyo sezvakaita VaIjipiti naFarao vakawomesa mwoyo yavo? Nguva yaakaita zvishamiso pakati pavo, havana kurega vanhu here, vakaenda?

7Naizvozvo zvino torai mugadzire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa dzisina kumboiswa joko, musunge mhou pangoro, asi muraurire mhuru dzadzo kumusha;

8zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.

9“Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBheti-shemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.”

10Zvino varume vakaita saizvozvo; vakatora mhou mbiri dzakanga dzichimwisa, vakadzisunga pangoro, vakapfigira mhuru dzadzo kumusha;

11vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi rakanga rina makonzo endarama, nemifananidzo yamamota avo.

12Zvino mhou dzikarurama nenzira inoenda Bheti-shemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dzichingokuma; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganho weBheti-shemeshi.

13Zvino vanhu veBheti-shemeshi vakanga vachicheka zviyo zvavo pamupata, vakatarira, vakaona areka, vakafara vachiiona.

14Ngoro ikasvika pamunda waJoshua muBheti-shemeshi, ikamira pakanga pane bwe guru; ipapo vakapamura matanda engoro, vakabayira mhou vakadziita chipiriso chinopiriswa Jehovha.

15Zvino vaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, nebhokisi rakanga riri pairi, makanga mune zvishongo zvendarama, vakazviisa pabwe guru, varume veBheti-shemeshi vakauya nezvipiriso zvinopiswa vakabayira Jehovha zvibairo nomusi uyo.

16Zvino madzishe mashanu avaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nomusi iwoyo.

17Zvino ndiwo mamota endarama akaripwa namadzishe avaFirisitia, kuti chive chipiriso chemhosva kuna Jehovha; rimwe raiva reAshidhodhi, rimwe reGaza, rimwe reAshikeroni, rimwe reGati, rimwe reEkironi;

18namakonzo endarama akanga akaenzana namaguta ose avaFirisitia, akanga ari amadzishe mashanu, aiva maguta akapoteredzwa namasvingo nemisha miduku yokuruwa. Uye ibwe guru ravakagadzika areka yaJehovha pamusoro paro, richiripo pamunda waJoshua muBheti-shemeshi kusvikira nhasi.

19Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBheti-shemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru.

20Zvino varume veBheti-shemeshi vakati, “Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?”

21Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimi, vakati, “VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imi, muzoiisa kwenyu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help