Isaya 48 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha achadzosa vanhu vake

1Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari waIsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama.

2(Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri; zita rake ndiJehovha wehondo).

3“Ndakaparadza zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa; ndakazviita kamwe–kamwe, zvikaitika.

4Zvandakaziva kuti mwoyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira;

5naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, ‘Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.’

6Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi.

7Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, ‘Tarirai, ndaizviziva.’

8Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nokuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.

9Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kwokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.

10Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza muchoto chokutambudzika.

11“Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nokuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.

12“Nditeerere, iwe Jakobho, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo.

13Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.

14“Unganai imi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikanwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKaradhia.

15“Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.

16“Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire;” kubva panguva yokuvamba akandituma, noMweya wake.

17Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsiraeri, “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.

18Haiwa! Dai wakateerera hako mirairo yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!

19Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.”

20Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhia; paridzai nezwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, “Jehovha akadzikinura muranda wake Jakobho.”

21Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.

22Zvanzi naJehovha, “Vakaipa havana rugare.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help